Purogiramu Yevhiki yaJune 3
VHIKI INOTANGA NAJUNE 3
Rwiyo 68 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 10 ¶8-13 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Johani 17-21 (10 min.)
Nha. 1: Johani 21:15-25 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Sei Tisingafaniri ‘Kutevera Vanhu Vazhinji’—Eks. 23:2; Zvir. 1:10 (5 min.)
Nha. 3: Kunze kwevaKristu Vakazodzwa, Ndevapi Vamwe Vanobatsirwa Nechibayiro chaJesu?—rs p. 302 ¶1-3 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna June. Kukurukurirana. Kwemasekonzi 30 kusvika kuminiti imwe chete taurai kuti zvii zvichaita kuti magazini acho afarirwe nevanhu mundima yenyu. Zvadaro, muchishandisa nyaya iri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo nerugwaro rwavachaverenga zvichaita kuti vanhu vafarire. Itai zvimwe chetezvo neAwake!, uye kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya iri mune imwe yemagazini acho. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
10 min: Nei Tichishuma Basa Redu Romumunda. Hurukuro inopiwa nemunyori kubva mubhuku raTakarongwa, peji 88 ndima 1 kusvika kupeji 90 ndima 1.
10 min: Zvomuungano yenyu.
Rwiyo 107 Nemunyengetero