Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna May naJune: Shandisai rimwe rematurakiti aya: Farikanya Upenyu Hwemhuri, Ndiani Zvomenemene Anobata Ushe Nyika?, Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri, kana kuti Ungada Here Kuziva Chokwadi? Kana munhu akaratidza kufarira, ratidzai kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti bhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. July naAugust: Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!