RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/12 p. 8
  • Purogiramu Yevhiki yaAugust 6

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yevhiki yaAugust 6
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Misoro Midiki
  • VHIKI INOTANGA NAAUGUST 6
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 7/12 p. 8

Purogiramu Yevhiki yaAugust 6

VHIKI INOTANGA NAAUGUST 6

Rwiyo 60 Nemunyengetero

□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:

bt chits. 24 ¶16-21 (25 min.)

□ Chikoro chaMwari Choushumiri:

Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 24-27 (10 min.)

Nha. 1: Ezekieri 24:15-27 (Maminitsi 4 zvichidzika)

Nha. 2: Nei Mwari Akabvumira vaIsraeri Kurwa Hondo?—rs p. 151 ¶3–p. 152 ¶3 (5 min.)

Nha. 3: Rugwaro rwaEzekieri 18:20 Rwunopikisana Here naEksodho 20:5? (5 min.)

□ Musangano Webasa:

Rwiyo 88

5 min: Zviziviso.

10 min: Wakagadzirira Here Kuvhurwa Kwezvikoro? Kukurukurirana. Kumbirai vateereri kuti vataure matambudziko anowanzosangana nevaKristu vechiduku kuchikoro. Tsanangurai kuti vabereki vangashandisa sei bhuku rinonzi Index uye Vechiduku Vanobvunza Kuti nezvimwewo zvinobudiswa nesangano panguva yavanoita kunamata kwemhuri vachibatsira vana vavo kuti vazodzivisa miedzo uye vazotsanangura zvavanotenda. (1 Pet. 3:15) Sarudzai nyaya imwe kana kuti mbiri, mobva mataura mamwe mashoko anogona kubatsira anowanikwa mumabhuku edu. Kumbirai vateereri kuti vataure kuti zvii zvavakaita kuti vaparidzire pavaiva kuchikoro.

10 min: Zvomuungano yenyu.

10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna August. Kukurukurirana. Kwehafu yeminiti kusvika kuminiti imwe chete, taurai kuti chii chinoita kuti magazini afarirwe mundima yenyu. Zvadaro, muchishandisa nyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo norugwaro zvavanofunga kuti zvichaita kuti vanhu vafarire. Itai zvimwe chetezvo nenyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeAwake! uye, kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya iri mune imwe yemagazini acho. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.

Rwiyo 97 Nemunyengetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe