RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/12 p. 8
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 7/12 p. 8

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna July naAugust: Goverai chero bhurocha rine mapeji 32 pane anotevera: Shamwari yaMwari, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa uye Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi. Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. September naOctober: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi.

◼ Sing to Jehovah—Vocal Renditions, Disc 5 richange rava kuwanikwa pajw.org kubvira musi wa1 August. Richatanga riri muChirungu, nekufamba kwenguva richazowanikwa mune mimwe mitauro. Munogona kuodha maCD kuungano kwenyu. Sezvo kutora panzvimbo yedu yepaIndaneti kwakachipa kudarika kugadzira nokutumira maCD, vaya vanogona kutora paIndaneti tinovakurudzira kuti vadaro. MaDisc 1 kusvika ku4 akatobudiswa.

◼ Munogona kugadzirisa purogiramu yemisangano muvhiki ramunenge muchiti rinotevera racho munenge muine gungano reruwa kuitira kuti mudzokorore mazano nezviyeuchidzo zvine chokuita nokupinda gungano. Mwedzi mumwe kana miviri inotevera mapinda gungano, munogona kushandisa chikamu chezvemuungano yenyu kudzokorora pfungwa dzakadzidzwa pagungano idzo vaparidzi vakaona kuti dzinogona kuvabatsira muushumiri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe