RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/12 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 6/12 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naJune 25, 2012. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki rimwe nerimwe.

1. Kupona kwakaita Jeremiya nguva yakwaiva kuine nzara kunotidzidzisei? (Jer. 37:21) [May 7, w97 9/15 p. 3 ndima 4–p. 4 ndima 1]

2. VaKristu vane tariro yokuzorarama pano panyika vangatevedzera sei muenzaniso wakanaka waEbhedhi-mereki? (Jer. 38:8-13) [May 7, su p. 179 ndima 9]

3. Sezvo Jehovha akashandisa varindi vaNebhukadrezari kuti vadzivirire Jeremiya naBharuki, zvakakodzera here kuti vaKristu vatsvake kudzivirirwa nemapurisa anenge akapakata zvombo? (Jer. 39:11-14) [May 14, w84 1/1 p. 31 (w83-E 7/15 p. 31)]

4. “Zvinhu zvikuru” zvingava zvaitsvakwa naBharuki zvii, uye kuteerera kwaakaita zano raJehovha kunotibatsirawo nhasi kuti tisaisa pfungwa dzedu pachii? (Jer. 45:5) [May 21, w06 8/15 p. 18 ndima 1; p. 19 ndima 6]

5. Nei zvichikosha kuti kuparadzwa kweEdhomu kunofananidzwa nokuuya kwevapambi usiku uye kuuya kwevatanhi vemazambiringa? (Jer. 49:9, 10) [May 28, w07 11/1 p. 13 ndima 4]

6. Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Mambo Zedhekiya ‘paakapandukira mambo weBhabhironi’? (Jer. 52:3, 7-11) [June 4, w88 9/15 p. 17 ndima 8; w81 10/1 p. 29 ndima 3-p. 30 ndima 1; p. 31 ndima 2 (w81-E 4/1 p. 13 ndima 3-4; p. 14 ndima 6)]

7. Zvii zvinorehwa ne“chitsiko chetsoka” dzaJehovha uye “dumba” rake? (Mari. 2:1, 6) [June 11, w07 6/1 p. 9 ndima 2]

8. Jeremiya airevei paakati Jehovha ‘aizomuyeuka, okotamira pamusoro pake,’ uye izvi zvinotidzidzisei? (Mari. 3:20) [June 18, w07 6/1 p. 11 ndima 3]

9. Nei zvichibatsira kuti munhu adzidze kutakura joko rokutambura achiri muduku? (Mari. 3:27) [June 18, w07 6/1 p. 11 ndima 5; w87-E 2/15 p. 24 ndima 1]

10. Zvakaitwa naEzekieri zvinotibatsira sei kuti tiparidze noushingi pasinei nokuti vamwe havafariri? (Ezek. 3:8, 9) [June 25, w08 7/15 p. 8 ndima 6-7]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe