Purogiramu Yevhiki yaJuly 2
VHIKI INOTANGA NAJULY 2
Rwiyo 116 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt chits. 23 ¶1-8, bhokisi riri pap. 180 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 6-10 (10 min.)
Nha. 1: Ezekieri 7:14-27 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Jonatani Akaratidza Sei Kuti Aiva Muenzaniso Wakanaka Pakuzvininipisa?—1 Sam. 23:16-18 (5 min.)
Nha. 3: Chingwa Newaini Zvakachinjwa Kuva Muviri Neropa raKristu Here?—rs p. 231 ¶2–p. 232 ¶4 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Tingakurukura Sei Nasaimba Nenzira Inoita Kuti Afunge—Chikamu 1. Kukurukurirana kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 251 kusvika kupeji 253, ndima 1. Enzanisirai pfungwa imwe chete kana kuti mbiri.
10 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna July. Kukurukurirana. Sarudzai nyaya mbiri kana nhatu motaura kwehafu yeminiti kusvika kuminiti imwe chete muchitaura kuti chii chingaita kuti vanhu vari mundima yenyu vadzifarire. Zvadaro, muchishandisa nyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo nerugwaro rwavachaverenga zvichaita kuti vanhu vafarire. Itai zvimwe chetezvo nenyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeAwake! uye, kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya iri mune imwe yemagazini acho. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
Rwiyo 31 Nemunyengetero