Purogiramu Yevhiki yaJune 4
VHIKI INOTANGA NAJUNE 4
Rwiyo 103 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt chits. 21 ¶14-22 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 51-52 (10 min.)
Nha. 1: Jeremiya 52:17-27 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Zvakakodzera Here Kunyengetera Kuna Mariya Somurevereri?—rs p. 207 ¶2-4 (5 min.)
Nha. 3: Vanhu Vangapinda Sei “Munzvimbo Yakavanda” yaJehovha?—Pis. 91:1, 2, 9 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Zvatingaita Kuti Tisvike Pamwoyo—Chikamu 2. Kukurukurirana kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 261, ndima 1, kusvika panoperera peji 262.
10 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna June. Kukurukurirana. Kweminiti imwe kana maviri taurai nyaya shoma dziri mumagazini dzingafarirwa nevanhu mundima yenyu. Zvadaro muchishandisa nyaya dzokutanga dzinotevedzana dziri muNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mibvunzo yavangabvunza ingaita kuti vanhu vafarire, uye kuti magwaro api avanofunga kuzoverenga. Itai zvimwe chete muchishandisa nyaya dzokutanga dzinotevedzana dziri muAwake! uye kana nguva iripo, sarudzai zvakare imwe nyaya kubva muNharireyomurindi kana kuti Awake! Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
Rwiyo 61 Nemunyengetero