Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna May: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Kana munhu afarira, muratidzei turakiti raUngada Here Kuziva Chokwadi? uye edzai kutanga chidzidzo cheBhaibheri. Pamunodzokera kune vaya vakapinda Chirangaridzo kana zvimwe zviitiko zvokunamata asi vasiri kuwadzana neungano, fungai nezvokutanga zvidzidzo zveBhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? June: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edzai kutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri pamunoshanya kekutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho uye varamba kudzidza Bhaibheri, vaparidzi vangagovera magazini yekare kana kuti chero bhurocha rinotaura zvinofarirwa nemunhu wacho. July naAugust: Goverai chero bhurocha rine mapeji 32 pane anotevera: Shamwari yaMwari, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa uye Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi. Paunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edza kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho unogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi.