Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna February
“Munofunga kuti Mwari ane sangano here mazuva ano, kana kuti munofunga kuti anongoda kuti vanhu vamunamate somunhu mumwe nomumwe? [Rega apindure.] Cherechedzai zvinotaurwa apa nezvevanhu avo Mwari akaronga makore akawanda apfuura.” Endai papeji 26 yemagazini yeNharireyomurindi yaFebruary 1, uye kurukurai mose mashoko ari pasi pekamusoro kekutanga uye runenge rugwaro rumwe chete pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka uye kurukurai mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi February 1
“Mumakore apfuura vanhu vave vachikurukura zvakanyanya nezveAmagedhoni. Munofunga kuti pane chingagona kuitwa nevanhu here kuitira kuti Amagedhoni isaitike? [Rega apindure.] Apa ndipo panobva shoko rokuti ‘Amagedhoni.’ [Verenga Zvakazarurwa 16:16. Zvadaro muratidze kavha yemagazini yacho.] Magazini ino ine mhinduro inobva muBhaibheri yemibvunzo iyi.”
Awake! February
“Mazuva ano vakawanda vanofarira kukurukurirana paIndaneti. Munofunga kuti kukurukurirana nenzira iyi kune ngozi here? [Rega apindure.] Bhaibheri rine mashoko anogona kuita kuti kukurukurirana kwedu paIndaneti kusava nengozi. [Endai pamapeji 6-9, mobva makurukura mumwe wemibvunzo yacho nerumwe rwemagwaro aripo.] Magazini ino ichakubatsirai kuziva uye kudzivisa ngozi dzinowanikwa pakukurukurirana paIndaneti.”