Purogiramu Yevhiki yaFebruary 6
VHIKI INOTANGA NAFEBRUARY 6
Rwiyo 101 Nomunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 16 ¶8-12, bhokisi riri pap. 132 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Isaya 47-51 (10 min.)
Nha. 1: Isaya 51:1-11 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Muchato Wokutanga Waiva Nemitemo Ipi?—rs-CA p. 144 ¶2-3 (5 min.)
Nha. 3: Mwari Ane Rudo Angaparadzirei Vanhu Chero Vapi Zvavo?—2 VaT. 1:6-9 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Nyaya Yokukurukura Nevanhu Vakawanda paIndaneti Yakamira Sei?—Chikamu 2. Hurukuro inobva muMukai! yaJanuary 2012 mapeji 20-23 (Awake! yaAugust 2011 mapeji 10-13) uye Awake! yaFebruary 2012 mapeji 8-9.
10 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna February. Kukurukurirana. Kweminiti imwe kana maviri, taurai dzimwe dzenyaya dziri mumagazini yacho dzingafadza vanhu vari mundima yenyu. Zvadaro, muchishandisa nyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mibvunzo yavanofunga kuti ichaita kuti vanhu vafarire, mobva mazovakumbira kuti vataure rugwaro rwavachaverenga. Itai zvimwe chetezvo nenyaya dzinotaura nezvemusoro uri pakavha yeAwake! uye, kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya iri mune imwe yemagazini acho. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
Rwiyo 96 Nomunyengetero