Purogiramu Yevhiki yaJanuary 2
VHIKI INOTANGA NAJANUARY 2, 2012
Rwiyo 118 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 15 ¶1-7, bhokisi riri pap. 116 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Isaya 24-28 (10 min.)
Nha. 1: Isaya 27:1-13 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Usambofa Wakafunga Kuti Jehovha Haachakudi—Isa. 57:15 (5 min.)
Nha. 3: Chinangwa Choupenyu Hwevanhu Ndechei?—rs-CA p. 357 ¶2–p. 358 ¶2 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Zviziviso. Muchishandisa mharidzo yokuenzanisira iri papeji ino, enzanisirai kuti chidzidzo cheBhaibheri chingatangwa sei paMugovera wokutanga muna January.
10 min: Zvomuungano yenyu.
15 min: Mazano Okugovera Magazini Muna January. Kukurukurirana. Kweminiti imwe kana maviri taurai nyaya shoma dziri mumagazini dzingafarirwa nevanhu mundima yenyu. Zvadaro muchishandisa nyaya dzokutanga dzinotevedzana dziri muNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mibvunzo yavangabvunza ingaita kuti vanhu vafarire, uye kuti magwaro api avanofunga kuzoverenga. Itai zvimwe chete muchishandisa nyaya dzokutanga dzinotevedzana dziri muAwake! uye kana nguva iripo, sarudzai zvakare imwe nyaya kubva muNharireyomurindi kana kuti Awake! Kurudzirai vaparidzi kuti vaedze nepavanogona napo kugovera Awake! munzvimbo dzemabhizimisi. Kumbirai mutariri webasa kuti ataure kuti zvii zvakarongwa muungano yenyu panyaya iyi. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei. Pakuenzanisira kugoverwa kweAwake!, ratidzai kuti ingagoverwa sei panzvimbo yebhizimisi.
Rwiyo 86 Nemunyengetero