Purogiramu Yevhiki yaJune 6
VHIKI INOTANGA NAJUNE 6
Rwiyo 68 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 4 ¶13-20, bhokisi riri pap. 34 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 34-37 (10 min.)
Nha. 1: Pisarema 35:1-18 (4 min. kana asingasviki)
Nha. 2: Zviri Kuitika kuIsrael Iye Zvino Kuzadzika Kwouprofita hweBhaibheri Here?—rs-CA p. 393 ¶4–p. 395 ¶1 (5 min.)
Nha. 3: Tingadzidzei Pana Ruka 12:13-15, 21? (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Shandisa Mibvunzo Pakudzidzisa Zvinobudirira—Chikamu 2. Kukurukurirana kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 237 ndima 3 kusvika papeji 238, ndima 6. Enzanisirai kwekanguva kadiki pfungwa imwe kana mbiri dziri pamapeji acho.
10 min: Zvomuungano menyu.
10 min: Takaitei? Kukurukurirana kunoitiswa nemutariri webasa. Rumbidzai ungano nokuda kwebasa rakaitwa mumwaka weChirangaridzo, uye taurai zvakaitwa. Kumbirai vateereri kuti varondedzere zvakaitika pavaiita upiyona hwebetsero muna March, April, naMay.
Rwiyo 83 Nemunyengetero