RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/11 p. 1
  • Basa Rinofadza Zvikuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Basa Rinofadza Zvikuru
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Ungabatsirawo Here Pabasa Rekuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Farira Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Chikamu 1—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 1/11 p. 1

Basa Rinofadza Zvikuru

1. Ibasa ripi rokurapa vanhu mune zvokunamata riri kuitwa mazuva ano?

1 Vanhu vakaona vamwe vachirapwa muzana rokutanga remakore vakafara zvikuru. (Ruka 5:24-26) Mazuva ano, tinofara zvikuru mubasa rokurapa vanhu mune zvokunamata. (Zvak. 22:1, 2, 17) Zvinonakidza zvikuru kuverenga nyaya dzinoratidza kuchinjwa kunoitwa upenyu hwevanhu neShoko raJehovha nemudzimu mutsvene! Zvisinei, kuitisa chidzidzo cheBhaibheri chinobudirira kunotounza mufaro wakakura.

2. Tinofadzwa nei patinodzidzisa mumwe munhu chokwadi?

2 Zita raMwari ndiani? Nei achibvumira kutambura? Umambo hwaMwari huchaitirei vanhu? Tinofara patinopindura mibvunzo yakadaro asi tinonyanya kufara patinoona mudzidzi achifarira chokwadi chaanenge achidzidza. (Zvir. 15:23; Ruka 24:32) Mudzidzi paanofambira mberi, angatanga kushandisa zita raJehovha, kuchinja mapfekero uye chitarisiko chake, kurega zviito zvinokuvadza, uye angatanga kuparidzira vamwe. Kana akafambira mberi kusvika pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa, achava hama yedu uye mushandi pamwe nesu. Matanho ose aya anoita kuti tifare.—1 VaT. 2:19, 20.

3. Zvii zvinobatsira zvatingaita kuti titange chidzidzo cheBhaibheri?

3 Ungavawo Nezvaunoita Here? Kana uchida kuitawo basa iri rinofadza zvikuru, kumbira Jehovha kuti akupe ropafadzo yokuitisa chidzidzo cheBhaibheri, uye chishanda maererano neminyengetero yako. (1 Joh. 5:14) Paridza panguva uye nzvimbo dzinowanika vanhu. Udza vanhu kuti unoda kudzidza navo Bhaibheri pose pazvinenge zvakakodzera. (Mup. 11:6) Paunowana munhu anofarira uye wodyara mbeu yechokwadi, dzokera kunoidiridzira.—1 VaK. 3:6-9.

4. Nei tisingafaniri kuita zvokunonozeka pakuudza vanhu kuti tinoda kudzidza navo Bhaibheri?

4 Kuchine vanhu vakawanda zvikuru vane nzara nenyota yekururama. Ndiani achavabatsira kuziva Jehovha kuburikidza nokudzidza navo Bhaibheri? (Mat. 5:3, 6) Ngatizvipirei kubatsira pakuita basa rokuparidza nokuita vadzidzi kukohwa kusati kwaguma.—Isa. 6:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe