Purogiramu Yevhiki yaJanuary 3
VHIKI INOTANGA NAJANUARY 3, 2011
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 15 ¶17-20, bhokisi riri pap. 160
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 29-32
Nha. 1: 2 Makoronike 30:13-22
Nha. 2: Jesu Kristu Aingovawo Munhu Akanaka Here? (rs-CA p. 94 ¶3)
Nha. 3: Vanhu Vanova Sei Varanda Pamusana Pokutya Rufu? (VaH. 2:15)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Kubatsirwa Kwatingaita Nekuronga Mashoko Atichashandisa Muushumiri. Kukurukurirana kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 167 ndima 1-5. Muchishandisa zvichagoverwa mwedzi unotevera, ivaiwo nemuenzaniso wemuparidzi anenge achitaura oga achigadzirira kwemaminitsi mashoma zvaachada kutaura asati aenda muushumiri.
10 min: Takatsaurwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha. Hurukuro inobva mubhuku raTakarongwa, papeji 168, ndima 2 kusvika panoperera chitsauko chacho.
10 min: Iva Akasununguka Pakuparidza. Kukurukurirana kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 128, ndima 1, kusvika kupeji 129, ndima 1. Bvunzurudzai kwenguva pfupi muparidzi ane unyanzvi kuti akakurira sei dambudziko rokunyara. Chii chinomubatsira kuti asanyanye kutya muushumiri?