Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naDecember 27, 2010. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaNovember 1 kusvika yaDecember 27, 2010.
1. Tingadzidzei pamashoko okurumbidza evaimbi vedzinza raRevhi akanyorwa pana 1 Makoronike 16:34? [w02-CA 1/15 p. 11 ndima 6-7]
2. Chii chakaita kuti Dhavhidhi ape zvinhu zvakawanda zvokuvakisa temberi pasinei nokuti haana kubvumidzwa kuivaka? (1 Mak. 22:7-10) [w03-CA 11/1 p. 27]
3. Mambo Dhavhidhi aida kuti mwanakomana wake Soromoni anzwe sei nezvaMwari? (1 Mak. 28:9) [w08-CA 10/15 p. 7 ndima 18]
4. Tinodzidzei kubva pachikumbiro chakaitwa naSoromoni kuna Jehovha paakanzi akumbire zvaaida? (2 Mak. 1:7) [w05-CA 12/1 p. 29]
5. Nei zvakanga zvakakodzera kushandisa nzombe dzakanga dzakaita zvokuumbwa kuti dzigadzikirwe dziva resimbi yakanyungudutswa? (2 Mak. 4:2-4) [w05-CA 12/1 p. 19 ndima 3; w98-CA 6/15 p. 16 ndima 17]
6. Muareka yesungano maingova nemahwendefa maviri ematombo here, kana kuti maivawo nezvimwe zvinhu? (2 Mak. 5:10) [w06-CA 1/15 p. 31]
7. Chii chinorehwa nemashoko ari pana 2 Makoronike 13:5 okuti “sungano yomunyu”? [w05-CA 12/1 p. 20 ndima 2]
8. Tingashandisa sei mashoko ari pana 2 Makoronike 17:9, 10 pakuita ushumiri hwedu? [w09-CA 6/15 p. 12 ndima 7]
9. Vanhu vaMwari vachaita sei maererano nezvinotaurwa pana 2 Makoronike 20:17? [w03-CA 6/1 map. 21-22 ndima 14-17]
10. Tinodzidzei kubva panyaya yokuzvikudza kwakaitwa naMambo Uziya? (2 Mak. 26:15-21) [w99-CA 12/1 p. 26 ndima 1-2]