Kana Muchida Mabhuku Emitauro Yokune Dzimwe Nyika Zvechimbichimbi
Dzimwe nguva tinosangana nevanhu vanoda kuverenga mabhuku edu asi ari mumitauro yokune dzimwe nyika atinenge tisina muungano yedu. Maizviziva here kuti kana muchikwanisa kuwana Indaneti, paine pirinda, munogona kupirinda mabhuku emitauro inoda kusvika 400? Maitirwo azvo ndeaya:
• Endai paIndaneti panzvimbo yedu yepamutemo yatinobudisira mashoko pakanzi, www.watchtower.org.
• Kurudyi kwepeji yokutanga pamunongovhura, pane mitauro mishoma yakarongwa ipapo. Vhurai pane pikicha yedenderedzwa renyika kuti muone mitauro yose iripo.
• Vhurai mutauro wamunoda. Muchaona peji inoratidza zvamunogona kupirinda zvakadai sematurakiti, mabhurocha, uye dzimwe nyaya. Sezvo peji iyi yakanyorwa mumutauro wamasarudza, musanetseka kana mukasanzwisisa misoro yemabhuku acho.
• Bayai pane chero bhuku. Rinobva ravhurika uye munogona kuripirinda.
Nzvimbo yedu yokubudisira mashoko paIndaneti ine zvishoma chete; mamwe mabhuku anowanika kuungano. Kana munhu achinge aratidza kuti anofarira, zvakanaka chaizvo kuodhesa mabhuku acho nekuungano.