RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/10 p. 1
  • “Usatya”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Usatya”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Taura Shoko raMwari Noushingi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Rudo Runotibatsira Sei Kuti Tisatya?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Jehovha Achakupa Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Paunenge Uchitya, Vimba naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 10/10 p. 1

“Usatya”

1. Zvipingamupinyi zvipi zvatingava nazvo zvakafanana nezvaiva naJeremiya?

1 Jeremiya paakapiwa basa rokuprofita ainzwa sokuti aisazvikwanisa. Asi Jehovha akamukurudzira achiti, “usatya,” uye nomutsa akamusimbisa kuti aite basa rake. (Jer. 1:6-10) Mazuva ano, kunyara kana kuti kushaya chivimbo kunogona kuita kuti zvitiomere kuita ushumiri. Dzimwe nguva, kutya kuti vanhu vachatigamuchira sei kana kuti vachationa sei kunogona kuita kuti titye kuvaparidzira. Tingakunda sei kutya uku, uye zvikomborero zvipi zvatinowana?

2. Kugadzirira kungatibatsira sei kuti tisanyanye kutya patinenge tiri muushumiri?

2 Gadzirira Nguva Iripo: Kunyatsogadzirira kunotibatsira kuti tisanyanye kutya. Somuenzaniso, kana tikagara tafunga zvokuzotaura nevaya vanoramba kukurukura nesu, tichange takagadzirira kupindura zvavanowanzotaura. (Zvir. 15:28) Madii kushandisa nguva yoKunamata Kwemhuri kugadzirira zvamungaita kuti mukunde zvipingamupinyi zvakasiyana-siyana kuchikoro uye muushumiri?—1 Pet. 3:15.

3. Kuvimba naJehovha kunotibatsira sei kuti tisatya?

3 Vimba naJehovha: Kuvimba naMwari wedu ndiko chete kunoita kuti tisatya. Jehovha akativimbisa kuti achatibatsira. (Isa. 41:10-13) Hapana kumwe kuchengetedzwa kunopfuura uku! Uyewo, Jesu akativimbisa kuti kunyange pakava nemamiriro ezvinhu atisingatarisiri, mudzimu mutsvene waMwari uchatibatsira kuti tigone kupupura chokwadi zvakanaka. (Mako 13:11) Saka gara uchikumbira Jehovha mudzimu wake mutsvene.—Ruka 11:13.

4. Zvikomborero zvipi zvatinowana nokutsungirira muushumiri pasinei nezvipingamupinyi?

4 Zvikomborero: Sezvatinotsungirira muushumiri pasinei nezvipingamupinyi zvatinosangana nazvo, tinosimbiswa kuti tizokunda miedzo yatinozosangana nayo mune remangwana. Hatizotyi uye tinova neushingi, izvo zvinoratidza kuti takazadzwa nomudzimu mutsvene. (Mab. 4:31) Uyezve, sezvatinokunda kutya tichibatsirwa naJehovha, tinosimbisa kutenda kwedu uye tinovimba neruoko rwake runoponesa. (Isa. 33:2) Tinonakidzwawo nekuva nomufaro uye kugutsikana kunobva pakuti tiri kufadza Baba vedu vokudenga. (1 Pet. 4:13, 14) Saka ngatisatye kuzivisa mashoko oUmambo neushingi, nguva dzose tichivimba kuti Jehovha ari kutitsigira!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe