Purogiramu Yevhiki yaOctober 11
VHIKI INOTANGA NAOCTOBER 11
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 11 ¶15-21, bhokisi riri pap. 117
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 5-7
Nha. 1: 1 Makoronike 6:31-47
Nha. 2: Zvapupu zvaJehovha Zvakabuda Mune Chimwe Chitendero Here? Vane Vakuru Vakuru Vavanotevera Here, Uye Chitendero Chavo Ndechekare Zvakadini? (rs-CA p. 415 ¶4–p. 416 ¶4)
Nha. 3: Vanhu Vasina Kukwana Vangava Sei Vatsvene? (1 Pet. 1:16)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Ungapindura Sei? Kukurukurirana mashoko ari mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 69, ndima 1 kusvika kupeji 70 ndima 1. Ivai nemuenzaniso wapiyona ari kupindura waanodzidza naye Bhaibheri ari kuda kuzvisarudzira zvokuita. Mudzidzi anobvunza kuti, “Kudai murimi maizoita sei?”
10 min: Kushambidzika Uye Kuchengeta Zvinhu Zvakachena Kunokudza Mwari. Hurukuro inobva mubhuku raTakarongwa, peji 137 ndima 1, kusvika kupeji 138, ndima 2. Kumbirai vateereri kuti vataure kuti kuchena, kushambidzika uye kupfeka zvine mwero kweZvapupu zvaJehovha kwakaita sei kuti vade chokwadi.
10 min: “Usatya.” Mibvunzo nemhinduro.