Muna October Uchatanga Kudzidza Bhaibheri Nomumwe Munhu Here?
1. Zvii zvichagoverwa muna October?
1 Nharireyomurindi neMukai! ndizvo zvichagoverwa muna October. Patinodzokera kunoona vakaratidza kufarira, tiri kukurudzirwa kuti tigovere turakiti raUngada Here Kuziva Chokwadi?, toedza kutanga kudzidza navo Bhaibheri. Tingazviita sei?
2. Patinodzokera kunoona munhu watakagovera magazini, tingashandisa sei turakiti raUngada Kuziva Chokwadi kuti titange kudzidza naye Bhaibheri?
2 Mashandisiro Atingaita Turakiti Racho: Tingati: “Magazini andakakusiyirai anokurudzira vanhu vose uye vezvitendero zvose kuti vaongorore Bhaibheri. [Gamuchidza saimba turakiti raUngada Kuziva Chokwadi, wobva wamuratidza mibvunzo iri papeji yokutanga.] Iyi ndeimwe yemibvunzo inotokonya pfungwa inopindurwa neBhaibheri zvinogutsa. Pane wamakambozvibvunzawo here?” Pashure pokunge wanzwa mhinduro yasaimba, kurukurai mose mhinduro yemubvunzo wake muchishandisa turakiti, moverenga rugwaro rumwe chete pane aripo. Zvadaro muudzei kuti iyi inongova nzwisa yezvinodzidziswa neBhaibheri, mobva mamupa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei. Tichishandisa chitsauko chaanenge asarudza papeji inoratidza zviri mukati, tinogona kukurukura ndima dzokutanga dzechitsauko chacho. Kana kuti tinogona kuenda pandima dzinonyatsokurukura nyaya yacho yatanga tichitaura muturakiti. Mibvunzo iri pasi apa inopindurwa mumapeji uye ndima dzakaratidzwa:
● Mwari ane hanya nesu zvechokwadi here? (map. 9-11, ndima 6-10)
● Hondo uye kutambura zvichazombopera here? (p. 12, ndima 12-13)
● Chii chinoitika kwatiri patinofa? (map. 59-60, ndima 7-8)
● Pane tariro here nokuda kwevakafa? (p. 71, ndima 13-15)
● Ndinganyengetera sei zvokuti Mwari anondinzwa? (map. 166-167, ndima 5-8)
● Ndingafara sei muupenyu? (p. 9, ndima 4-5)
3. Tingasiyanisa sei mharidzo dzedu zvichienderana nemamiriro ezvinhu?
3 Ichokwadi kuti dzimwe nguva zvingasaita kuti titange kudzidza nemunhu tichishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei patinodzokera kekutanga, asi tinogona kuronga kudzoka topfuurira nokukurukura. Uye zvichienderana nekufarira kunenge kwaratidzwa nemunhu, tinogonawo kukurukura mibvunzo iri muturakiti pose patinodzokera tisati tatanga kudzidza tichishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei. Mumwedzi waOctober, dai tikashandisa turakiti iri rinobatsira kutanga kudzidza nemunhu Bhaibheri tobatsira vane mwoyo yakatendeseka ‘kuziva chokwadi.’—Johani 8:31, 32.