Wakamboshandisa Peji Yokupedzisira Here?
Vanhu pavanoona magazini, kazhinji vanotarisa peji yokutanga vobva vangokanda ziso zvekare kupeji yokupedzisira. Peji yokupedzisira yeNharireyomurindi yevoruzhinji ine mibvunzo nemashoko zvinotokonya pfungwa pobva paratidzwa kuti nyaya yacho iri papeji ipi.
Tinogona kushandisa peji iyi kuti tiwane mazano akanaka atingashandisa pakupa mharidzo kuitira kuti titange kukurukura. Kana tichishanda ndima yacho kakawanda, tinogona kuchinja-chinja mharidzo dzedu nokushandisa mibvunzo yakasiyana-siyana mwedzi wose. Kana saimba akabatikana, tinogona kupfupisa mharidzo yedu nokumuratidza mumwe wemibvunzo iri papeji yokupedzisira tobva tati, “Kana muchida kuziva mhinduro yacho, ndinogona kukusiyirai magazini aya, tozotaura zvakawanda pamunenge mava nenguva.” Vamwe vaparidzi vangada kutanga kukurukura nokuratidza saimba peji yokupedzisira vomukumbira kuti asarudze mubvunzo waanoda. Vanobva vamuratidza panowanikwa mhinduro yacho uye voverenga rugwaro rwavanenge vakatosarudza. Zvimwe unogona kufunga nezvedzimwe nzira dzokushandisa peji yokupedzisira kuitira kuti saimba afarire Nharireyomurindi.