Purogramu Yevhiki yaNovember 2
VHIKI INOTANGA NANOVEMBER 2
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 14-18
Nha. 1: Dheuteronomio 15:1-15
Nha. 2: Kutya Mwari Kunosanganisirei?
Nha. 3: Mwari Anoyeuka Mwanakomana Wake (lr-CA chits. 39)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri. Kukurukurirana nevateereri. Kumbirai vaparidzi vakasarudzwa kuti vatsanangure zvakaitika zvokutanga zvidzidzo zveBhaibheri pazuva rakasarudzirwa basa iri rinokosha. Zivisai musi unotevera wakarongerwa kutanga zvidzidzo zveBhaibheri, uye ivai nemuenzaniso mupfupi mumwe chete kana miviri inoratidza zvingaitwa.
10 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Pupurira Nokunyora Tsamba. Kukurukurirana nevateereri mashoko ari mubhuku reChikoro Choushumiri, mapeji 71-73.