RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/09 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 10/09 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naOctober 26, 2009.

1. Sezvo Jehovha akaudza Bharami kuti aende nevanhu vaBharaki, nei akatsamwira Bharami paakaenda navo? (Num. 22:20-22) [w04-CA 8/1 p. 27 ndima 2]

2. ‘Kusashivirira kwaFiniyasi vaikwikwidzana’ naJehovha kunotibatsira sei kufungisisa nezvokuzvitsaurira kwedu kuna Mwari? (Num. 25:11) [w95-CA 3/1 p. 16 ndima 13]

3. Nei Joshua akasarudzwa kuti atsive Mosesi? (Num. 27:15-19) [w02-CA 12/1 p. 12 ndima 1]

4. Numeri 31:27 ingakurudzira sei vaKristu mazuva ano? [w05-CA 3/15 p. 24]

5. Urongwa hwemaguta okupotera hwaibatsira sei vanhu vomuIsraeri? (Num. 35:11, 12) [w95-CA 11/15 p. 14 ndima 17]

6. Nei kungwara kuri unhu hunokosha kumuKristu, uye kunoita kuti aite sei? (Dheut. 1:13) [w03-CA 1/15 30; w00-CA 10/1 p. 32 ndima 1-3]

7. Mutemo waMosesi wakaratidza sei kururama kwaMwari? (Dheut. 4:8) [w02-CA 6/1 p. 14 ndima 8–p. 15 ndima 9-10]

8. Tsanangura nzira yakanaka neyakaipa yokuedza nayo Jehovha, maererano naDheuteronomio 6:16-18. [w04-CA 9/15 p. 26 ndima 6]

9. Kutaura kwaJehovha kwakagutsa sei vaIsraeri pane zvavaida, uye kutaura ikoko kungatigutsa sei nhasi? (Dheut. 8:3) [w99-CA 8/15 map. 25-26]

10. Dheuteronomio 12:16, 24 inoita kuti tione sei nyaya yokurapwa pachishandiswa ropa romunhu pachake? [w00-CA 10/15 p. 30 ndima 7]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe