RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/09 p. 1
  • Wagadzirira Here Kupupurira Zvisina Kurongwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wagadzirira Here Kupupurira Zvisina Kurongwa?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Unogona Kuparidza Zvisina Kurongwa!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Taura Pamsoro Pembiri Youmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Shingaira ‘Kupupurira Kwazvo’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Rumbidza Jehovha Nokupupurira Zvisina Kurongwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 10/09 p. 1

Wagadzirira Here Kupupurira Zvisina Kurongwa?

1. Muenzaniso upi unoratidza kuti kupupurira zvisina kurongwa kungabudirira?

1 Kupupurira zvisina kurongwa kungabudirira chaizvo. Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yokupupurira zvisina kurongwa kwakava nemigumisiro yakanaka. (Joh. 4:7-15) Tingaitei kuti tigadzirire kupupurira saizvozvo?

2. Mapfekero edu nokushambidzika zvingabatsira sei kuti tipupurire?

2 Kupfeka Nokushambidzika: Kuona kuti takapfeka uye takashambidzika zvakakodzera nguva dzose kuchaita kuti tiudze vamwe zvatinotenda tisingazezi. (1 Tim. 2:9, 10) Kana tikafunga kuti hatina kupfeka zvakakodzera, tingangorega kupupurira vamwe. Asi kutaridzika kwedu zvakanaka uye kuchena kwedu zvingaita kuti vamwe vade kuziva zvakawanda nezvedu. Somuenzaniso, zvimwe Zvapupu zviviri, murume nemudzimai, pavaiva parwendo vakachena chaizvo, vakagara pedyo nomurume wechiMuslim. Aona mapfekero avo, murume wacho akabvunza kana vaiva vaKristu. Izvi zvakaita kuti vakurukure nezveBhaibheri kwemaawa matatu.

3. Pawaitevedzera muenzaniso waJesu, wakatanga sei kukurukura?

3 Kutanga Kukurukura: Jesu paakasangana nemukadzi muSamariya patsime raJakobho, akatanga kukurukura nokungokumbira kuti amupe mvura yokunwa. Saizvozvowo, tingatanga kukurukura nokutaura mashoko mashoma kana kuti nokungobvunza mubvunzo uri nyore. Kuyange zvazvo dzimwe nguva tingazeza, kana tikavimba norubatsiro rwaJehovha, ‘tingava noushingi’ hwokutanga kukurukura.—1 VaT. 2:2.

4. Tingava sei vakagadzirira kupupurira zvisina kurongwa?

4 Kutsvaka Mikana: Vaparidzi vakawanda vakawana mikana yokupupurira zvisina kurongwa. Ongorora mamiriro ako ezvinhu,wofunga nezvevanhu vaungangosangana navo zuva roga roga. Takura mabhuku akakodzera uye Bhaibheri duku. Ona zviri kuitika, wofarira vanhu vanenge vari pedyo newe. Paunofanofunga nezvemikana yaungawana mukati mezuva, ungangova akagadzirira kupupurira zvakanaka.—VaF. 1:12-14; 1 Pet. 3:15.

5. Nei tichifanira kuvavarira kupupurira zvisina kurongwa?

5 Tine zvikonzero zviviri zvakanaka zvinoita kuti tishandise mikana yokupupurira zvisina kurongwa, zvinoti kuda Mwari uye kuda muvakidzani. (Mat. 22:37-39) Tichifunga nezvekuti basa rokuparidza rinofanira kukurumidza kuitwa, tinofanira kuvavarira kupupurira zvisina kurongwa. Tinofanira kugara takagadzirira kushandisa mukana wose wakakodzera kuti tiudze vamwe mashoko akanaka oUmambo pachine nguva.—VaR. 10:13, 14; 2 Tim. 4:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe