Purogramu Yevhiki yaOctober 12
VHIKI INOTANGA NAOCTOBER 12
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 4-6
Nha. 1: Dheuteronomio 4:15-28
Nha. 2: Kuyeuka Jehovha neMwanakomana Wake (lr-CA chits. 37)
Nha. 3: Ndepapi Pazvingataurwa Kuti Zviri Nani Kuva Nezvishoma? (Zvir. 15:16)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Kuitisa Zvidzidzo zveBhaibheri Zvepamusha. Hurukuro inobva pamashoko ari mubhuku raTakarongwa, peji 98, ndima 1, kusvika kundima 4. Kumbirai vaparidzi kuti vataure muchidimbu kufara kwavakaita pavaidzidzisa mumwe munhu chokwadi.
10 min: Zviri Kugoverwa Muna October. Ivai nemienzaniso miviri. Pane mumwe wacho muparidzi ngaabvunze mubvunzo unozopindurwa paanozoshanyazve. Mumwe wacho unofanira kuratidza kutangwa kungaita kudzidza Bhaibheri nemumwe munhu pakushanya kekutanga. Pashure pemuenzaniso wega wega mungakurukura muchidimbu nevateereri, muchiratidza zvadzidzwa.
10 min: “Wagadzirira Here Kupupurira Zvisina Kurongwa?” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro.