RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/09 p. 3
  • Tsvaka Vakakodzera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsvaka Vakakodzera
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Une Ndima Yako Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvakanakirei Kuva Nendima Yako Pachako?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Kutsvaka Vakafanira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 9/09 p. 3

Tsvaka Vakakodzera

1. Tinoratidza sei kuonga kwatinoita ropafadzo yokuenda muushumiri?

1 Muushumiri hwake, Jesu akaedza chaizvo kuudza vanyoro mashoko akanaka anonyaradza. (Isa. 61:1, 2) Senhume, uye vanhu vanomiririra Kristu, isu mazuva ano tine ropafadzo inokosha yokumutevedzera patinenge tichinyatsotsvaka vakakodzera vari mundima yedu tisinganeti.—Mat. 10:11; 2 VaK. 5:20.

2. Kuchinja-chinja kwaPauro kwakaratidzwa sei, uye kwakaguma nei?

2 Iva Anochinja-chinja: Muapostora Pauro akanga akajaira kutanga aenda kusinagogi kunoparidzira vaJudha nevemamwe marudzi vakanga vatendeuka. (Mab. 14:1) Asi muFiripi, iye naSirasi vakanotsvaka vanhu ‘kwavaifunga kuti kwaiva nenzvimbo yokunyengeterera.’ Vakatanga kupupurira boka revakadzi, uye mumwe wavo, Ridhiya, akakurumidza kugamuchira chokwadi.—Mab. 16:12-15.

3. Ndeipi mikana yokuita ushumiri yatingava nayo kuwedzera kundima yedu yatinoparidza paimba neimba?

3 Kuwedzera kundima yako yaunoparidza paimba neimba, ungaparidzirawo here vanhu vanowanika panokwirirwa mabhazi, mumapaki, mumahofisi anopinza vanhu basa, pamakona emigwagwa panenge paine vanhu vakawanda, munzvimbo dzebhizimisi, uye munzvimbo dzezvitoro dziri mundima yako? Zvimwe ungapupurira kune vaya vanogara munzvimbo dzine magedhi anenge akachengetedzwa uye vanogara muzvivako zvisingabvumirwi munhu wese wese kupindamo nokunyora tsamba kana kuti kuchaya runhare. Kungwarira kuona kuchinja kwezvinodiwa mundima yako wobva waita zvinoenderana nazvo kuchakubatsira kuva ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe.”—1 VaK. 15:58.

4. Kana ungano yedu iine ndima diki, ndezvipi zvimwe zvatingaita?

4 Vaparidzi vakawanda vakava nemukana wokuwedzera ushumiri hwavo nokutamira kune imwe ungano zvimwe iri munyika yavo kana kuti kune imwe nyika. Vamwe vakadzidza mutauro mutsva kuti vaparidzire vanhu vakabva kune imwe nyika.

5. Tinofanira kuona sei nguva yatiri kurarama mairi, uye tinofanira kutsunga kuitei?

5 Tose zvedu tinofanira kuyeuka kuti “munda inyika.” (Mat. 9:37; 13:38) Tichifunga nezvokuti kuguma kwemamiriro ezvinhu aripo iye zvino kwava pedyo, mumwe nomumwe anofanira kunyatsofunga nezvemamiriro ake ezvinhu, zvaanokwanisa kuita, uye mikana yaanayo yokuwedzera ushumiri hwake. Jehovha anotipikira kuti kana tikatanga kutsvaka zvinhu zvine chokuita noUmambo, achakomborera zvatinoedza kuita nemwoyo wose kuti tiwedzere ushumiri hwedu.—Mat. 6:33.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe