Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri.
1. Tingadzidzei pamurayiro watinowana pana Eksodho 23:19? [w06-CA 4/1 p. 31 ndima 1-5]
2. Urimu neTumimu zvaiva chii uye zvaishandiswa sei muIsraeri yekare? (Eks. 28:30) [w06-CA 1/15 p. 18; w01-CA 9/1 p. 27]
3. Mwari akataura sei naMosesi “zviso zvakatarisana”? (Eks. 33:11, 20) [w04-CA 3/15 p. 27]
4. Chii chingadzidzwa pakupa kwaiita vaIsraeri zvinhu uye kushandisa unyanzvi hwavo pakuvaka tebhenekeri? (Eks. 35:5, 10) [w99-CA 11/1 p. 31 ndima 1-2]
5. Mutemberi huru yaMwari yezvokunamata, chii chinomirirwa nechinhu chinovhara kana kuti chidzitiro chinotaurwa pana Eksodho 40:28? [w00-CA 1/15 p. 15 ndima 7-8]
6. “Chinopiwa chinopiswa” chaipiwa chose zvacho paatari, chakafanana sei nechibayiro chaJesu? (Revh. 1:13) [w04-CA 5/15 p. 21 ndima 3]
7. Pfungwa yokuti “mafuta ose ndeaJehovha” inosimbisei kwatiri? (Revh. 3:16, 17) [w04-CA 5/15 p. 22 ndima 2]
8. Chii chingave chakabatanidzwa muchivi chevanakomana vaAroni, Nadhabhi naAbhihu? (Revh. 10:1, 2) [w04-CA 5/15 p. 22]
9. Chii chatinganzwisisa kubva pana Revhitiko 12:8 nezvevabereki vaJesu uye tingadzidzei pane izvozvi? [w98-CA 12/15 p. 6 ndima 5]
10. Zvibayiro zvepaZuva Rokuyananisira regore negore zvaifananidzira sei chibayiro chorudzikinuro chaJesu? (Revh. 16:11-16) [w98-CA 2/15 p. 12 ndima 2]