Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naFebruary 23, 2009. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJanuary 5 kusvika yaFebruary 23, 2009.
1. Mwari aigona sei kuita kuti chiedza chivepo pazuva rokutanga kana zvinovheneka zvakatozoitwa pazuva rechina? (Gen. 1:3, 16) [w04-CA 1/1 p. 28 ndima 5]
2. Noa akatukirei Kenani? (Gen. 9:20-25) [w04-CA 1/1 p. 31 ndima 2]
3. Sungano yaAbrahamu yakatanga kushanda musi upi, uye icharamba iripo kusvikira rini? (Gen. 12:1-4) [w04-CA 1/15 p. 26 ndima 4; w01-CA 8/15 p. 17 ndima 13]
4. Chii chinoratidza kuti chinangwa chaNimrodhi nevaya vaimutevera ‘chokuzviitira zita rakakurumbira’ hachina kubudirira? (Gen. 11:4) [w98-CA 3/15 p. 25]
5. Pana 2 Petro 2:7, Roti anonzi “akarurama,” asi nei akapa mhomho yaida zvounzenza vanasikana vake? (Gen. 19:8) [w05-CA 2/1 p. 26 ndima 15-16; w04-CA 1/15 p. 27 ndima 3]
6. Sezvo varume vanotya Mwari vachifanira kutarisira mhuri dzavo, Abrahamu akaendeserei Hagari naIshmaeri kurenje? (Gen. 21:10-21; 1 Tim. 5:8) [w88-CA 2/15 p. 31]
7. Zvakaitwa naEriyezeri zvokutsvakira Isaka mudzimai nenzira inodiwa naJehovha zvinotidzidzisei? (Gen. 24:14, 15, 17-19, 26, 27) [w97-CA 1/1 p. 31 ndima 2]
8. Hope dzaJakobho dzaakarota achiona ngirozi ‘dzaikwira nokudzika pamanera’ dzairevei? (Gen. 28:10-13) [w03-CA 10/15 p. 29 ndima 1; it-2 p. 189]
9. Chii chakaita kuti Rakeri ade mamandireki omwana waReya? (Gen. 30:14, 15) [w04-CA 1/15 p. 28 ndima 7]
10. Muenzaniso waDhina unoratidza sei kuti kutambira pedyo nengozi kunopinza muna taisireva? (Gen. 34:1, 2, 19) [w04-CA 10/15 p. 21 ndima 6; p. 22 ndima 5]