RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/09 p. 2
  • “Rambai Muri Murudo rwaMwari”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Tsamba Inobva kuDare Rinodzora
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • “Kuda Mwari Kunoreva Izvi”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 1/09 p. 2

“Rambai Muri Murudo rwaMwari”

1. Chinangwa chebhuku rinonzi “Rambai Muri Murudo rwaMwari” ndechei?

1 Tinotarisira zvikuru kudzidza bhuku idzva rinonzi “Rambai Muri Murudo rwaMwari” paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano kutanga nevhiki yaFebruary 23! Tsamba yakanyorwa neDare Rinodzora kumunhu wose anoda Jehovha inoguma nemashoko aya anoti: “Chido chedu chemwoyo wose ndechokuti bhuku rino rikubatsire kuramba uchishandisa chokwadi muupenyu hwako zvoita kuti urambe ‘uri murudo rwaMwari . . . uchifunga nezvoupenyu husingaperi.’​​—⁠Judha 21.”

2. Bhuku idzva iri richatibatsira muzvinhu zvipi zvoupenyu?

2 Zvokutarisira: Zvinodzidziswa neBhaibheri zvinoshanda sei muzvinhu zvakadai sokushamwaridzana, kuzvivaraidza, kuremekedza vane masimba, zvinoitwa nomunhu, kuroorana, matauriro uye tsika? Hana dzedu dzichaumbwa maererano nemirayiro yakakwirira yokururama inoratidzwa muShoko raMwari. (Pis. 19:​7, 8) Patinowedzera kunzwisisa mafungiro aJehovha, tichada zvikuru kumufadza uye izvi zvichatikurudzira kumuteerera muzvinhu zvose zvatinoita muupenyu.​—⁠Zvir. 27:​11; 1 Joh. 5:⁠3.

3. Nei tichifanira kuita nepatinogona kuti tipindure pachidzidzo chevhiki imwe neimwe?

3 Tsunga Kupindura: Paunenge uchigadzirira, vavarira kurumbidza Mwari pakati peungano yevanhu vake. (VaH. 13:​15) Ungano yose ichadzidza bhuku idzva iri pamwe chete. Sezvo tichadzidza ndima shoma, izvi zvichatipa mukana wokuti tose zvedu tinyatsogadzirira, zvichiita kuti titaure nechivimbo zvatakadzidza. Mhinduro dzedu pfupi, dzakanyatsogadzirirwa dzichakurudzira vamwe kuti vave norudo nemabasa akanaka uye zvichaita kuti tikurukure mashoko acho zvine upenyu uye zvinobatsira. (VaH. 10:​24) Uyewo, tichafara zvikuru sezvatinotaura tichiratidza kutenda kwedu.

4. Nei zvichikosha kuti titeerere mirayiro yaJehovha?

4 Pausiku hwokupedzisira ari munhu pasi pano, Jesu akatsanangura kuti zvinokosha kuti munhu achengete mirayiro yaJehovha kuti arambe ari murudo rwaMwari. (Joh. 15:​10) Tichibatsira nebhuku rinonzi “Rudo rwaMwari,” tichatowedzera kutsunga kushandisa mirayiro yeBhaibheri muupenyu hwedu hwezuva nezuva uye ‘kuramba tiri murudo rwaMwari.’​—⁠Jud. 21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe