Purogiramu Yevhiki yaJanuary 26
VHIKI INOTANGA NAJANUARY 26
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 17-20
Nha. 1: Genesisi 17:1-17
Nha. 2: Chinoita Kuti Vanhu Vatadze Kuva Nehurumende Yakarurama (rs-CA map. 83-84 ¶3)
Nha. 3: Mwari Ane Zita (lr-CA chits. 4)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso zveungano.
10 min: Gadzirira Kugovera Nharireyomurindi yaFebruary 1 uye Awake! yaFebruary. Kukurukurirana nevateereri. Pashure pokukurukura kwenguva pfupi zviri mumagazini acho, bvunza vateereri kuti inyaya dzipi dzingafarirwa nevanhu vari mundima uye kuti nei. Uchishandisa dzimwe dzenyaya idzi, kumbira vateereri kuti vataure mubvunzo wavangazoshandisa kuti vatange kukurukura, uye rugwaro ruri munyaya yacho rwavangaverenga vasati vagovera magazini acho. Gumisa nokuenzanisira kugoverwa kungaitwa magazini imwe neimwe uchishandisa mharidzo dzokuenzanisira dziri papeji 4 kana dzimwe mharidzo dzinenge dzataurwa nevateereri.
20 min: “Unoziva Zvaungasarudza Here?”a Inofanira kupiwa nomukuru. Gumisa nokuverenga ndima yokupedzisira. Kana musina vhidhiyo kurukurai zviri mumagazini nomuUshumiri zvakaratidzwa mundima yokupedzisira.
[Mashoko omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.