RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/08 p. 5
  • Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha ra2009

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha ra2009
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha ra2008
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha Ra2007 Rinoti “Tevera Kristu!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” Ya2002
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Kuratidza Kuti Tinokoshesa Magungano Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 12/08 p. 5

Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha ra2009

1. (a) Tichawana zvikomborero zvipi kana tikapinda gungano reruwa mazuva ose matatu? (b) Zvii zvatinofanira kuronga iye zvino?

1 Tose zvedu tiri kutarisira gungano reruwa ra2009 uye kuungana nevatinorumbidza navo Jehovha, “vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mat. 5:3) Sezvo zuva raJehovha riri kuswedera pedyo nokukurumidza, tinokurudzira munhu wose kuti apinde mazuva ose matatu, onyatsobatsirwa noushamwari hwechiKristu, okurudzirwa mune zvokunamata kuitira kuti kutenda kwake kusimbiswe. (Zef. 1:14) Itai kuti vadzidzisi nevamunoshandira vazive kuti gungano reruwa rinokosha zvikuru pakunamata kwedu. Fanorongai noushingi uye kumbirai Jehovha kuti akukomborerei, munogona kuva nechokwadi chokuti achakutsigirai.—Isa. 50:10.

2. Kunyange tisina kukokwa kuti tipinde magungano emarudzi akawanda chii chatingatarisirawo kumagungano atichapinda?

2 Magungano eMarudzi Akawanda: Sezvo magungano aya achaitwa munyika uye mumaguta mashoma, vaya vakabvumirwa ndivo chete vanofanira kupinda. Kana tikatevedzera izvi zvichaita kuti vanhu vasawandise. (1 VaK. 14:40; VaH. 13:17) Zvisinei, magungano eruwa akawanda achange akangoitawo semagungano emarudzi akawanda, nokuti mamishinari akawanda, vashandi vepaBheteri vokune dzimwe nyika, uye vakazvipira kushanda kune dzimwe nyika vanenge vachizopindira magungano munyika dzokumusha kwavo.

3. Tingaratidza sei rudo rwechiKristu kune vari muungano yedu?

3 Kubatsira Vamwe Kuti Vapindewo: Muungano yenyu mune vamwe vanoda kubatsirwa kuti vapindewo gungano here? Pamunobatsira vamwe kuti vapindewo gungano, munenge “muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi muchiva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.”—VaF. 2:4.

4. Nei zvichikosha kuchengeta wedzero ino?

4 Kuwana Mashoko: Kuti musazonyanya kufona kuhofisi yebazu muchibvunza misi uye nzvimbo dzichaitirwa magungano, tapota chengetai Ushumiri hwoUmambo huno kuti muzohushandisa kana mava kuda kuwana mashoko. Kupinda kwamuchaita uye kuzvibata kwenyu ngazvikudze Mwari pagungano reruwa ra2009!—1 Pet. 2:12.

[Bhokisi riri papeji 5]

Nguva Dzepurogiramu:

Chishanu neMugovera

9:20 mangwanani - 4:55 masikati

Svondo

8:20 mangwanani - 3:00 masikati

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe