RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/08 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naNovember 10
  • Vhiki Inotanga naNovember 17
  • Vhiki Inotanga naNovember 24
  • Vhiki Inotanga naDecember 1
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 11/08 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naNovember 10

Rwiyo 205

10 min: Zviziviso zveungano. Taurawo zvakataurwa nomutariri webasa nezvokufambira mberi kweungano pakushanda ndima ichigovera turakiti rinonzi Ungada Kuziva Chokwadi Here? Sezvo vaparidzi vakawanda vave vachitogovera magazini eNharireyomurindi yaNovember 1 uye Awake! yaNovember, kumbira vateereri kuti vataure kuti vave vachiagovera sei zvinobudirira.

15 min: Iva Munhu Ane Rudo Uye Anopa. Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaNovember 15, 2008, mapeji 6-7.

20 min: “Tine Pfuma Inokosha Yokupa Vamwe.”a Pakukurukura ndima 2, kumbira vateereri kuti vataure nezvechokwadi cheBhaibheri chakavakwevera kusangano raJehovha kana kuti chavakasvika pakukoshesa zvikuru kubva zvavakabhabhatidzwa.

Rwiyo 71

Vhiki Inotanga naNovember 17

Rwiyo 80

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: Bhokisi Remibvunzo.b

20 min: “Unogona Kuva Mudzidzisi!”c Bvunzurudza muparidzi kana piyona akakurira mafungiro okuti haakwanisi kuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Akavimba sei naJehovha kuti amubatsire? Sangano rakamubatsira munzira dzipi kuti akwanise? Akawana mibayiro ipi pakuita basa rokudzidzisa Bhaibheri?

Rwiyo 143

Vhiki Inotanga naNovember 24

Rwiyo 217

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Taura mabhuku achagoverwa muna December, uye ita kuti mharidzo imwe chete kana kuti mbiri dzienzanisirwe.

20 min: Vabereki—Dzivirirai Vana Venyu. Musoro wemhuri une muenzaniso wakanaka kana uripo unokurukura neungano tsamba yakabva kubazi yomusi waSDE September 1, 2008 yakanyorerwa Ungano dzose. Kurukurai nyaya iyi muchibuda pachena asi noruremekedzo.

15 min: Gadzirira Kugovera Nharireyomurindi yaDecember 1 uye Awake! yaDecember. Taura muchidimbu zviri mumagazini acho uye bvunza vateereri kuti inyaya dzipi dzingafarirwa mundima yenyu. Mibvunzo ipi nemagwaro zvingashandiswa pakusuma nyaya dzacho? Enzanisira kushandiswa kungaita mharidzo yokuenzanisira iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Ita kuti mumwe wevakuru aenzanisire mharidzo pfupi yaakagadzirira achishandisa nyaya inoenderana nendima yenyu.

Rwiyo 208

Vhiki Inotanga naDecember 1

Rwiyo 84

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaNovember.

15 min: Zvakaitika mundima yenyu. Udza ungano kuti ndima yakashandwa zvakadini pakuparadzira turakiti rinonzi Ungada Kuziva Chokwadi Here? Kumbira vateereri kuti varondedzere zvakaitika zvakavanakidza pavaiparadzira turakiti racho kana kuti pavairishandisa kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Rondedzerawo zvakaitika zvinokurudzira zvine chokuita nokugovera bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? muna November. Chakaitika chimwe chete kana zviviri zvinofadza zvingaenzanisirwa semaitikiro azvakaita.

20 min: “Gadzirira Vatsva Kuti Vatsungirire Kupikiswa.”d Pakukurukura ndima 2, kukurukurai muchidimbu kuti mashoko ari mubhuku rinonzi Kurangarira pamusoro unoti “Zvapupu zvaJehovha” angabatsira sei vadzidzi veBhaibheri kuti vapindure mibvunzo yehama neshamwari dzinoda kuziva.

Rwiyo 105

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe