Gadzirira Vatsva Kuti Vatsungirire Kupikiswa
1 Vanhu pavanotanga kudzidza Bhaibheri ‘voda kurarama vachizvipira kuna Mwari,’ Satani anobva ati nangananga navo. (2 Tim. 3:12) Vanogona kupikiswa nevavanoshanda navo, vokuchikoro kana vavakidzani. Zvinganyanya kuoma kana vatsva vakapikiswa nevoukama vanenge vaine vavariro dzakanaka.—Mat. 10:21; Mako 3:21.
2 Kupikiswa Kwakafanotaurwa: Vatsva vanofanira kunzwisisa kuti kutambudzwa kunofanira kutarisirwa uye kuti kunoratidza kuti vanenge vava vadzidzi vaKristu vechokwadi. (Joh. 15:20) Dzimwe nguva vamwe vanopikisa nokuti vanofunga zvisizvo pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Gara uchiziva kuti mufaro mukuru unobva pakuzvidzirwa kuva muteveri waJesu uye kuteerera Mwari. (Mab. 5:27-29, 40, 41) Ita kuti vatsva vave nechokwadi chokuti Jehovha anovatsigira norudo. (Pis. 27:10; Mako 10:29, 30) Kuramba vakavimbika kunoita kuti vave kurutivi rwaJehovha panyaya yokuva changamire pane zvose.—Zvir. 27:11.
3 Kushanda Kunoita Zivo Yakarurama: Ita kuti vaunodzidzisa Bhaibheri vazive kuti zvinokosha kuti varambe vachiwana zivo yakarurama pasinei nemiedzo yavangave vachitarisana nayo. Achishandisa kupikisa, Satani anoedza kuita kuti zvavanenge vachidzidza zvisadzika midzi mumwoyo yavo yokufananidzira. (Zvir. 4:23; Ruka 8:13) Vanofanira kuramba vachiwana zivo yakarurama yeShoko raMwari kuti vanyatsodzika midzi mukutenda.—Pis. 1:2, 3; VaK. 2:6, 7.
4 Kutsungirira Kunodiwa: Chero mumamiriro api ezvinhu akaoma, kutsungirira kunokosha uye kunogona kuguma nezvakanaka. (Ruka 21:16-19) Vatsva pavanotsungirira kupikiswa, zvinobatsira ivo pachavo nevamwewo. Vanokomborerwa zvikuru naJehovha nemhaka yokutsungirira vakatendeka.—Jak. 1:12.
5 Muapostora Pauro akafara nokufambira mberi pakunamata kwaiitwa nehama dzake dzaiva muTesaronika. Akaonga Mwari nokuda kwavo uye akanga abatsira vazhinji vavo kuwana chokwadi. (2 VaT. 1:3-5) Isu tinogonawo kufara uye kugutsikana kana tikagadzirira vatinodzidzisa Bhaibheri kuti vatsungirire pavanenge vachipikiswa.