Tine Pfuma Inokosha Yokupa Vamwe
1 Shoko raMwari rizere pfuma yezvokunamata yatinokoshesa. (Pis. 12:6; 119:11, 14) Pane imwe nguva, Jesu akashandisa mifananidzo inoratidza zvinhu zvakasiyana-siyana zvoUmambo, uye akabva abvunza vadzidzi vake kuti: “Manzwisisa zvinhu zvose izvi here?” Pavakati hungu, akati kwavari: “Kana zvakadaro, murayiridzi mumwe nomumwe wevanhu vose, paanodzidziswa pamusoro poumambo hwokumatenga, akafanana nomunhu, muridzi wemba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvitsaru mudura rake repfuma.”—Mat. 13:1-52.
2 Chokwadi cheBhaibheri chatakawana patakatanga kudzidza chinogona kuonekwa sepfuma tsaru. Nokuramba tichiwedzera zivo patinodzidza tiri toga zvinhu zvakadzama zvomuShoko raMwari, tinowana chimwe chokwadi cheBhaibheri, chiri pfuma itsva kwatiri. (1 VaK. 2:7) Uyewo tichibatsirwa no“muranda akatendeka, akangwara,” tinosvika pakunzwisisa zvinhu zvitsva.—Mat. 24:45.
3 Tinokoshesa zvikuru pfuma yezvokunamata iyi, tsaru neitsva. Izvi zvinoita kuti tide kudzidziswa uye tiwane ruzivo rwokudzidzisa Shoko raMwari, tichiudza vamwe chokwadi chinokosha chatakadzidza.
4 Dzidza Kubva Pamuenzaniso waJesu: Achiratidza kuti aikoshesa sei pfuma iyi, Jesu akashanda nesimba kuti aipewo vamwe. Kunyange paakanga aneta, haana kurega kubudisa pfuma kubva “mudura” rake.—Joh. 4:6-14.
5 Kuda kwaiita Jesu vaya vakanga vasinganzwisisi nezvaMwari uye zvinangwa zvake kwakamuita kuti avape pfuma inokosha yechokwadi chaMwari. (Pis. 72:13) Akanzwira tsitsi vaya vakanga vaine nzara yezvokunamata uye akanzwa achida “kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.”—Mako 6:34.
6 Tevedzera Jesu: Kufanana naJesu, patinokoshesa zvikuru pfuma yatinayo, tichada kwazvo kuratidza vanhu pfuma yokunamata tichitora zvakananga kubva muBhaibheri. (Zvir. 2:1-5) Kunyange zvazvo dzimwe nguva tingave taneta, tinotaura nezvechokwadi chomuMagwaro nechido. (Mako 6:34) Kukoshesa zvikuru pfuma yatinayo kuchaita kuti tiite zvakawanda sezvatinogona muushumiri, nguva dzose tichiedza kuhuita zvizere.