Zvokutaura Nezvemagazini
Nharireyomurindi Oct. 1
“Nyanzvi dzinoziva kukosha kwebasa rababa mumhuri. Munofunga kuti chii chinoita kuti munhu ave baba vakanaka? [Rega apindure.] Jesu akataura kuti muenzaniso waBaba vake wakamubatsira sei. [Verenga Johani 5:19.] Nyaya ino inotaura zvinhu zvitanhatu zvinokosha zvinofanira kuitwa nababa.” Muratidze nyaya inotangira papeji 18.
Awake! Oct.
“Vanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana vane maonero akasiyana nezvekuti Mwari akaita sei chaizvo. Asi Mwanakomana waMwari akamurondedzera sei? Onai mashoko aJesu ari pana Johani 4:24. [Iverenge.] Mumapeji maviri chete, nyaya ino ine zvinotaurwa neBhaibheri nezvomubvunzo wokuti, “Mwari akaita sei?” Muratidze nyaya iri pamapeji 24 ne25.
Nharireyomurindi Nov. 1
“Vanhu vakawanda havakwanisi kutsanangura zvavanotenda zvokuti Mwari ane rudo angapisa vanhu nokusingaperi. Imi munofungei? [Rega apindure.] Bhaibheri rinodzidzisa pachena kuti Mwari haana utsinye uye haarambi akatsamwa zvokusaregerera. [Verenga Ezekieri 18:23.] Muchafarira pfungwa dzomuMagwaro dziri mumagazini ino.”
Awake! Nov.
“Vanhu vanowanzofunga kuti kubudirira zvinoreva kuva nomukurumbira, pfuma, kana kuti kuva nesimba pamusoro pevamwe. Imi mungarondedzera sei kubudirira? [Rega apindure.] Onai zvinonzi neBhaibheri ndizvo zvinoita kuti munhu abudirire. [Verenga Pisarema 1:1-3.] Nyaya ino inokurukura zvinhu zvitanhatu zvinoita kuti tibudirire.” Muratidze nyaya inotangira papeji 6.