RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/08 p. 7
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Misoro Midiki
  • HURUKURO NHA. 1
  • KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 10/08 p. 7

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naOctober 27, 2008. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaSeptember 1 kusvika kune yaOctober 27, 2008.

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Tingaziva sei kuti nei vamwe vanhu vachitenda zvavanotenda? [be-CA p. 259 ndima 1, 2]

2. Tingabatsira sei munhu kuti asafungira vamwe zvisiri izvo kana kuti abvise ruvengo mumwoyo make? [be-CA p. 260 ndima 2]

3. Tingabatsira sei vatinodzidza navo kuti vazviongorore nechinangwa chokufambira mberi pakunamata? [be-CA p. 261 ndima 2]

4. Patinenge tichiedza kubaya mwoyo yevateereri vedu, tinofanira kuyeukei? [be-CA p. 262 ndima 3]

5. Nei tichifanira kuchengeta nguva pamisangano? [be-CA p. 263 ndima 1, 3, bhokisi]

HURUKURO NHA. 1

6. Chii chakaita kuti Pauro anyorere vaKorinde tsamba yake yokutanga? [si-CA p. 210 ndima 3]

7. Zvii zvimwe zvakaita kuti Pauro anyorere vaKorinde tsamba yechipiri? [si-CA p. 214 ndima 1-2]

8. VaKristu vanofanira kuona sei ushumiri? [[si-CA pp. 216-217 ndima 18]

9. Mazuva ano tinganzwirwa sei nyasha naMwari toita kuti hama dzedu dzifare, sezvakaita hama dzomuFiripi? [si-CA p. 225 ndima 12]

10. Pauro neshamwari dzake vakabatsira sei ungano yokuTesaronika? [si-CA p. 231 ndima 13]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Zvinorevei kuisa “munhu aka[ipa] kuna Satani kuti nyama iparadzwe, kuti mudzimu weungano uchengetedzwe”? (1 VaK. 5:5) [[w08-CA 7/15 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaKorinde”]

12. Rufu rwaJesu runofanira kurangarirwa kakawanda zvakadini, uye “kusvikira” riini? (1 VaK. 11:26) [w08-CA 7/15 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaKorinde”]

13. Tsamba ya2 VaKorinde 12:2-4 inotaura nezvezvakaratidzwa zvipi, uye ndiani angangodaro akazviratidzwa? [w04-CA 10/15 p. 8 ndima 4; p. 10 ndima 9]

14. Nei Pauro akafananidza Mutemo waMosesi ‘nomuperekedzi anotungamirira kuna Kristu’? (VaG. 3:24) [w08-CA 3/1 p. 18-21]

15. Pauro airevei paakanyengetera kuti “mafungiro enyu imi hama nomweya nomuviri ngazvichengetedzwe”? (1 VaT. 5:23) [w08-CA 9/15 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana Mutsamba Dzakanyorerwa VaTesaronika uye Timoti”]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe