RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/08 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 9/08 p. 3

Zviziviso

September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza nepaunogona napo kutanga chidzidzo cheBhaibheri paunoshanya kokutanga. Kana vanhu vachitova nebhuku racho, enzanisira chidzidzo cheBhaibheri uchivaratidza kuti vangabatsirwa naro sei. October: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Anenge aratidza kufarira mupe turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? nechinangwa chokutanga chidzidzo cheBhaibheri. November 2008: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza nepaunogona napo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. December: Govera vanhu bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana vamwe vakati vane vana varatidze bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru.

◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo cha2009 ichapiwa muvhiki raApril 20, 2009. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano pakupera kwevhiki iroro dzinozova nehurukuro yacho vhiki inotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro inokosha musi waApril 20 usati wasvika.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eWatchtower neAwake! a2008, Watch Tower Publications Index 2008, neWatchtower Library—2008 Edition paCD-ROM paodha yadzo inotevera. Tapota yeukai kuti Watchtower Library—2008 Edition ndeyevanhu vari muungano chete uye inongowanikwa nokuungano. Vaparidzi vanoshandisa Watchtower Library vanofanira kuona kuti vachiri kufanira kuramba vachiodha mabhaundi vhoriyamu here ivo vasingachaashandisi.

◼ Mumwe munhu anokumbirwa nomutariri anotungamirira anofanira kuongorora akaunzi dzeungano dzemwedzi yaJune, July naAugust. Hamufaniri kuramba muchingoshandisa munhu mumwe chete iyeye mwedzi yakatevedzana. Kana apedza kuongorora, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.—Ona Mirayiridzo Yeakaunzi Dzeungano (S-27).

◼ Rugwaro Rwegore rwa2009 ruchangotumirwa kuungano pasina kuodha, asi ungano itsva dzinoumbwa September 1 apfuura dzinofanira kuita zvokuodha. Rugwaro Rwegore rwa2009 ruchawanika muChirungu, Shona neZulu.

◼ Dzimwe nguva hofisi yebazi inogamuchira Mafomu Okuodha Mabhuku (S-14) uye Mafomu Okuodha Magazini (M-202) asina zita uye nhamba zveungano. Pakadaro hazviiti kuti zvinhu zvakumbirwa zvitumirwe. Tiri kuyeuchidzawo munyori kuti anyatsoongorora zvose izvi paanosaina nokutumira fomu racho.

◼ Tine mabhurocha akati wandei aAnodei, saka tiri kukurudzira ungano kuti dziaodhe uye dziashandise mumwedzi iri kutevera.

◼ Ungano hadzifaniri kuodha Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva sezvo achaita zvokutumirwa kuungano mumitauro uye muuwandu hwadzinowana nahwo Ushumiri Hwedu hwoUmambo. Zvisinei, kana ungano dzichida mamwe okuwedzera kana kuti mimwe mitauro, tapota odhai. Munofanira kunyatsojekesa paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14) kuti: “Tiri kuwedzera pane atagara tichiwana.”

◼ Muchirimo choga choga hofisi yebazi yomuHarare inochenesa musha weBheteri. Gore rino zvichaitwa musi woMugovera October 4, 2008, saka ichange yakavharwa. Musi iwoyo pachange pasina urongwa hwokutenderedza vanhu vachiona nzvimbo yedu kana kuti hwokuti ungano dzitore mabhuku.

◼ Zvinhu Zvitsva Zviripo:

Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha—Mabhii Makuru (jdlp)—Shona

◼ MP3 itsva yamunogona kutora panzvimbo yeIndaneti inoti www.jw.org:

Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha (cdjd)—Chirungu Cherechedzai kuti haaitwi zvokuodhwa. Kunyange zvazvo sangano richibhadhara pose pamunotora mabhuku aya paIndaneti, iyi inzira inoshandisa mari shoma pane kugadzira uye kutumira maMP3 chaiwo.

◼ MaDVD matsva emitauro yakawanda:

Warning Examples for Our Day uye Respect Jehovah’s Authority (dvwra)—chiArabic, chiDutch, Chirungu, chiMalagasy, Chiputukezi (chokuBrazil), Chiputukezi (chokuEurope) uye chiSpanish (paDVD rimwe chete)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe