RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/08 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kutakura Mutoro Wokutarisira Mhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 2
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 9/08 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼ Vose baba naamai vangashuma nguva yechidzidzo chemhuri here?

Kunyange zvazvo vanababa vari ivo vane basa rokurera vana vavo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha,” vabereki vose vari vaviri vanobatsirana pakudzidzisa vana. (VaEf. 6:4) Bhaibheri rinokurudzira vana richiti: “Mwanakomana wangu, teerera kuranga kwababa vako, uye usasiya mutemo waamai vako.” (Zvir. 1:8) Chinhu chinokosha pakurayira vana chidzidzo cheBhaibheri chemhuri.

Kare, mubereki aiitisa chidzidzo chemhuri nevana vasina kubhabhatidzwa ndiye aishuma, kunyange zvazvo vose vaibatsirana pachidzidzo chacho. Zvisinei, izvi zvava kugadziridzwa. Kana vabereki vose vari vaviri vachibatsirana kudzidzisa vana pachidzidzo chemhuri, vose vachangoshuma awa imwe chete pavhiki. Ichokwadi kuti vabereki vanotora nguva inopfuura awa imwe chete pavhiki vachidzidzisa vana vavo. Kudzidzisa vana ibasa rinoda kugara richiitwa nevabereki vose. (Dheut. 6:6-9) Zvisinei, mushumo webasa romumunda wemwedzi nemwedzi unofanira kunyanya kuratidza zvakaitwa mundima. Saka, hapafaniri kushumwa inopfuura awa imwe chete, kunyange kana chidzidzo chacho chikapfuura awa imwe, chikaitwa kanopfuura kamwe pavhiki, kana kuti vana vacho vachidzidziswa mumwe nomumwe pake oga. Mubereki mumwe chete ndiye anoshuma chidzidzo chacho cheBhaibheri nedzokerero imwe chete pavhiki yachinenge chakaitwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe