Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naSeptember 8
10 min: Zviziviso zveungano. Bvunza vateereri kuti inyaya dzipi dziri mumagazini achangobuda dziri kufarirwa mundima yenyu. Vakumbire kuti varondedzere kuti vanga vachishandisa mibvunzo ipi uye magwaro api kuti vasume nyaya dzacho. Enzanisira kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
15 min: Batsira Vaunodzidzisa Bhaibheri Kuva Vadzidzisi. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaJanuary 15, 2007, mapeji 29-30, ndima 14-20. Iva nomuenzaniso mupfupi unoratidza muparidzi achitsanangurira mudzidzi weBhaibheri mutsva hurukuro yavose neChidzidzo cheNharireyomurindi uye achimukoka kumusangano wacho.
20 min: Zvokuita Nevanhu Vanotifungira Zvisizvo Muushumiri. Hurukuro inopiwa nomukuru, ichibva pamashoko ari mumabhuku edu inoratidza kuti kufungirwa zvisizvo kunogona kukanganisa sei ushumiri hwedu. Tsanangura kuti izvi zvingakundwa sei. Dzimwe nguva kuzvibata kwedu, muushumiri uye pazvose zvatinoita, kunogona kubatsira zvikuru kukunda kufungirwa kwatinoitwa nevanhu vanoticherechedza zvoita kuti vazarure meso avo vaone chokwadi. Saka zvinokosha kuti nguva dzose tingwarire matauriro edu uye kuzvibata kwedu. (1 Pet. 2:12; 3:1, 2) Tsanangura zvakaitika zvishoma zvomundima yenyu kana kuti zviri mumabhuku edu zvinoratidza kuti tingakunda sei kufungirwa zvisizvo.
Vhiki Inotanga naSeptember 15
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
20 min: Gore Rakapera Takaita Sei? Hurukuro inopiwa nomutariri webasa kana kuti mumwe mukuru anenge asarudzwa achikurukura nevateereri. Taura muchidimbu zvakaitwa neungano muushumiri gore rebasa rakapfuura, uchinyanya kutaura zvakanaka zvakaitwa. Tenda zvakanaka zvakaitwa. Gara waronga nomuparidzi mumwe kana vaviri kuti vazotsanangura zvavakasangana nazvo zvakavanakidza zvikuru. Taura chinhu chimwe kana zviviri zvingada kugadziriswa mugore rinotevera, uye kurukurai zvingaitwa kuti ungano ivandudze.
15 min: Ndingatsanangurira Sei Vasingatendi Kuti Zvinhu Zvakaita Zvokusikwa? Hurukuro inobva mune rimwe remabhuku edu. Kumbira kuti vateereri vataure kuti ivo vakatsigira sei zvavanotenda zvokuti zvinhu zvakaita zvokusikwa pavaive kuchikoro, kubasa, kana kumwewo. Unogona kufanosarudza mumwe kana kuti vaviri vachataura.
Vhiki Inotanga naSeptember 22
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba yokutenda mari yakatumirwa. Taura zviri mutsamba yakabva kubazi, iri papeji 1.
20 min: Pane Mubayiro Pabasa Ramunoita. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaApril 15, 2005, kubva papeji 28, ndima 5, kusvikira panoperera peji 29. Bvunzurudza kwenguva pfupi muparidzi mumwe chete kana vaviri vachitsanangura kuti Jehovha akavatarisira sei pane zvavaida zvokurarama nazvo kana kuti pane zvaivashungurudza.
15 min: Gadzirira Kushandisa Nharireyomurindi yaOctober 1 neAwake! yaOctober. Tsanangura muchidimbu zviri mumagazini acho, uye bvunza vateereri kuti ndedzipi nyaya dzinganakidza vanhu vari mundima yenyu. Mibvunzo ipi nemagwaro zvingashandiswa kusuma nyaya dzacho? Enzanisira kuti imwe mharidzo yokuenzanisira iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo ingashandiswa sei. Ita kuti mumwe wevakuru aenzanisire imwe mharidzo pfupi yaakagadzirira iri munyaya ingaenderana nendima yenyu.
Vhiki Inotanga naSeptember 29
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaunze mishumo yebasa romumunda yaSeptember. Fanoronga kuti muparidzi mumwe kana kuti vaviri varondedzere zvavakasangana nazvo zvinokurudzira pavaiparidza zvisina kurongwa vachikoka munhu kugungano reruwa, pavaiva pazororo, kana kuti pane dzimwe nguva.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: “Mushandirapamwe Wokuparadzira Turakiti October 20–November 16!”a Kana maturakiti acho aripo, ipai munhu wose aripo turakiti racho. Dzokorora muchidimbu zviri muturakiti racho paunenge uchikurukura ndima 2. Pamunenge muchikurukura ndima 4, ratidza kuti turakiti racho ringagoverwa sei. Pamunenge mava kukurukura ndima 5, iva nomuenzaniso womuparidzi ari kushandisa turakiti racho kutanga chidzidzo cheBhaibheri paanenge ashanyazve.
Vhiki Inotanga naOctober 6
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Bhokisi Remibvunzo. Kukurukura nevateereri. Taurawo zviri muNharireyomurindi yaJune 15, 2005, mapeji 20-22, ndima 10-16.
20 min: “Dzidzisa Vamwe Kuda Jehovha.”b Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure pfungwa dziri mumagwaro aripo.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.