RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/08 pp. 2-3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 8/08 pp. 2-3

Zviziviso

Mabhuku achagoverwa muna August: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu, Hurumende, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Utatu, uye Zita raMwari. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei? Edza chaizvo kuwana vanhu vokudzidza navo Bhaibheri pakushanya kwokutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku iri, varatidze kuti vangabatsirwa sei naro nokuvaratidza kudzidzwa kwarinoitwa. October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira ratidza uye kurukura turakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda nezveBhaibheri Here? uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu. November: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2009, Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva uye 2009 Yearbook of Jehovah’s Witnesses paodha dzayo dzinotevera.

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuita zvinorayirwa pamapeji 21-23 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, zvine chokuita nevakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musangano vangava vachida kudzorerwa.

◼ Kuti tibatsire mapofu nevaparidzi vasinganyatsooni zvakanaka nevanhu vanofarira vanoshandisa mapurogiramu ekombiyuta anogona kuverenga zvinonzwika mashoko anenge ari pakombiyuta, urongwa hwakaitwa hwokuti vanhu ava vawane mafaira epakombiyuta ane mashoko eBraille eNharireyomurindi kuti vaashandise somunhu oga. Mafaira aripo anosanganisira Nharireyomurindi yokudzidza neyevoruzhinji muGiredhi 2 kana Braille yeChirungu yakapfupikiswa uye Nharireyomurindi yokudzidza iri muGiredhi 1 kana kuti Braille yechiFrench neSpanish isina kupfupikiswa. Mafaira aya achatumirwa netsamba yomukombiyuta kune vaya vanenge vakumbira. Vaya vanoda kugamuchira mafaira aya eBraille eNharireyomurindi vanofanira kukumbira munyori weungano kuti atumire tsamba kuWatchtower, Private Bag WG-5001, Westgate, Harare. Tsamba yacho inofanira kunge iine zita romunhu wacho nekero yake, zita kana kuti mhando yomudziyo wacho wemagetsi uri kushandiswa, kero yake yetsamba yepakombiyuta, uye kana achikwanisa kuverenga Chirungu, Spanish, kana kuti Braille yeFrench. Kana asingagoni kugamuchira tsamba nepakombiyuta, munofanira kupa kero yetsamba yepakombiyuta yomumwe munhu anogona kugamuchira uye kuzomutumira mafaira acho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe