RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/08 pp. 2-3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Misoro Midiki
  • HURUKURO NHA. 1
  • KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 8/08 pp. 2-3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari choUshumiri vhiki inotanga naAugust 25, 2008. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJuly 7 kusvika August 25, 2008.

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Tingaratidza sei kuti tinonzwisisa patinenge tichiudza vamwe chokwadi? (VaF. 4:5) [be-CA p. 251 ndima 3]

2. Zvakaitwa naPauro paaitaura nevaGiriki paAreyopago zvingatibatsira sei patinenge tichipupurira vaya vasingazivi kuti Bhaibheri rine simba? (Mab. 17:22, 23) [be-CA p. 252 ndima 1-2]

3. Kunyange zvazvo tingava nechokwadi chokuti zviri kutaurwa nomunhu handizvo, tingaratidza sei kunzwisisa patinokurukura naye? [be-CA p. 252 ndima 5_p.253 ndima 1]

4. Sezvatinoedza kutaura tichinyengetedza, tinofanira kuyeukei? [be-CA p. 255 ndima 3, bhokisi]

5. Tingaratidza sei kunzwisisa patinenge tichiedza kusvika pamwoyo womuteereri? (Zvir. 20:5) [be-CA p. 258 ndima 1-5]

HURUKURO NHA. 1

6. Hanzvadzi dzinofanira kuyeukei padzinenge dzichigadzirira kushandisa marongero ehurukuro? [be-CA p. 44 ndima 5-6]

7. Hama dzinofanira kuedza kuitei padzinenge dzichipa pfungwa huru dzeBhaibheri? (Neh. 8:8) [be-CA p. 47 ndima 2-3]

8. Hama inofanira kuitisa sei hurukuro yepaMusangano Webasa inenge ichida kuenzanisira kana kuti kubvunzurudza? [be-CA p. 49 ndima 5]

9. Bhuku reMabasa rinoratidza sei kuti uchapupu huchapiwa zvakadini uye sei? (Mab. 20:20, 21; 28:23) [si-CA p. 204 ndima 35]

10. Mukurukuri wavose angaitei kuti ave nechokwadi chokuti hurukuro yake inobva muBhaibheri? (Mab. 17:2, 3) [be-CA p. 52 ndima 6–p. 53 ndima 2]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. Nei murindi wejeri wokuFiripi aida “kuzviuraya”? (Mab. 16:25-27) [w90-CA 5/15 p. 25, bhokisi]

12. Aristako naGayo vakaita sei pavakatambudzwa? (Mab. 19:29; 20:4, 5) [w08-CA 2/15 p. 10 ndima 16-17]

13. Zvairevei kuti Sauro ‘aikava zvibayiso’? (Mab. 26:14) [w03-CA 10/1 p. 32]

14. ‘Chivi chakaitwa sei kuti chivepo nomurayiro’ waMwari waakapa Israeri? (VaR. 7:8, 11) [w08-CA 6/15p. 29 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reVaRoma”]

15. ‘Tinotutira sei marasha anopisa’ pamusoro womuvengi wedu? (VaR. 12:20) [w08-CA 6/15p. 30 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku reVaRoma”]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe