Purogiramu Yomusangano Webasa
ONAI KUTI: Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe ucharongwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo mumwedzi yemagungano. Ungano dzingagadziridza sezvinodiwa kuti dzipinde Gungano Reruwa rinoti: “Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari.” Pazvakakodzera, shandisai maminitsi 15 paMusangano Webasa wokupedzisira musati mapinda gungano kudzokorora mazano akakodzera ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril ayo anoshanda muungano yenyu. Mwedzi mumwe kana kuti miviri mabva kugungano, shandisai maminitsi 15 kusvika ku20 paMusangano Webasa (zvichida muchishandisa chikamu chezvinodiwa muungano) kudzokorora pfungwa huru dzegungano idzo vaparidzi vakaona kuti dzinoshanda muushumiri. Kudzokorora kwacho kuchakurukurwa nomutariri webasa. Kumbira vateereri kutaura kuti vari kushandisa sei mashoko acho kana kuti vari kuronga kuzoashandisa sei muushumiri hwavo.
Vhiki Inotanga naJuly 14
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa zviri papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzakakodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJuly 1 uye Awake! yaJuly.
15 min: Une “Rusununguko Rwokutaura” Here? Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaMay 15, 2006, mapeji 13-16. Simbisa kukosha kwokuparidzira noushingi.
20 min: “Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha.”a Taura zvinhu zvitsva zviri mubhuku racho. Dzokorora purogiramu yechidzidzo chebhuku nemirayiridzo inowanikwa papeji 3 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo huno. Kurudzira vose kuti vagare vachipinda musangano wacho uye vapindure chaizvo vakasununguka. Bvunza kwekanguva muparidzi mumwe kana vaviri vanozivikanwa nokufanogadzirira misangano, uye vabvunze chinoita kuti vadaro.
Vhiki Inotanga naJuly 21
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Yeuchidza vaparidzi kuti vauye neNharireyomurindi yaAugust 1 neAwake! yaAugust kuMusangano Webasa wevhiki inotevera uye kuti vagadzirire kuzotaura mharidzo dzakakodzera mundima yenyu.
15 min: Zvinodiwa mungano.
20 min: “Kugadzirira Ndiwo Mushonga Wokubudirira Kuwana Vanhu Vokushanyirazve.”b Iva nemuparidzi anotaura oga kwemaminitsi mana achigadzirira kudzokerazve. Anoongorora zvaakanyora obva asarudza kushanyira vanhu vaviri pakupera kwevhiki ino. Zvadaro, pane mumwe nomumwe wavo, anotarisa kuti angakurukurei navo, ofunga nezvechinangwa chake, obva agadzirira kuti angachiita sei. Kune mumwe wacho, anogadzirira kumudzidzisa Bhaibheri. Asi kune mumwe wacho, anogadzirira kuti arambe achifarira nokushandisa pfungwa iri mundima 5.
Vhiki Inotanga naJuly 28
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi vose kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaJuly. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba yokutenda mari yakatumirwa. Taura mabhuku achagoverwa muna August, uye ita kuti mharidzo imwe chete ienzanisirwe.
15 min: Kuramba Tiine Pfungwa Yedu Yokukurumidzira. Hurukuro inokurudzira inobva muNharireyomurindi yaDecember 15, 2006, mapeji 18-19, ndima 17-21.
20 min: Gadzirira Kugovera Magazini Epanguva Iyoyo. Kukurukurirana nevateereri. Wataura muchidimbu zvakaita Awake! yaAugust neNharireyomurindi yaAugust 1, bvunza vateereri kuti inyaya dzipi dzingafarirwa nevanhu vari mundima yenyu uye kuti nei. Kumbira vateereri kuti vataure pfungwa dzakananga dziri munyaya dzavanoda kutaura nezvadzo. Mubvunzo upi ungabvunzwa kuti mutange kukurukurirana? Rugwaro rupi ruri munyaya yacho rungazoverengwa? Uchishandisa mharidzo dzokuenzanisira dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo kana kuti imwewo mharidzo inotaurwa nevateereri, enzanisira kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
Vhiki Inotanga naAugust 4
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Vana Vako Vakagadzirira Kukunda Zvinetso Zvavanosangana Nazvo Kuchikoro Here? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Taura zvimwe zvinetso zvinosangana nevechiduku kuchikoro. Tsanangura kuti vabereki nevana vavo vangashandisa sei Watch Tower Publications Index kuti vawane mashoko anobatsira. Taura mimwe mienzaniso. (Ona musoro unoti “Schools,” [“Zvikoro”] musoro muduku unoti “experiences” [“zvakaitika.”]) Kumbira vari muvateereri vakarerwa nemhuri dzechiKristu kuti vataure kuti vabereki vavo vakavabatsira sei kukurira zvinetso uye kushandisa mirayiro yeBhaibheri kuchikoro. Vangataurawo dzimwe rondedzero dzavainyora kuchikoro vachishandisa nyaya dzavaiwana muAwake! Ita kuti vatsanangure kuti kushanda mundima yavo yokuchikoro kwakavadzivirira sei.
20 min: “Tiri Kuputsa Zvinhu Zvakadzika Midzi.”c Kumbira vateereri kuti vataure kuti mudzidzisi wavo weBhaibheri akavabatsira sei nokushivirira kuti vasiye dzidziso dzenhema dzavaidavira dzaive dzakadzika midzi mavari.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.