RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/08 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 7/08 p. 3

Zviziviso

Mabhuku achagoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu, Hurumende, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Utatu, uye Zita raMwari. September: Bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Edza chaizvo kuwana vanhu vokudzidza navo Bhaibheri pakushanya kwokutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku iri, varatidze kuti vangabatsirwa sei naro nokuvaratidza kudzidzwa kwarinoitwa. October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira ratidza uye kurukura turakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda nezveBhaibheri Here? uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu.

◼ Sezvo August aine kupera kwevhiki kushanu, ungava mwedzi wakanaka chaizvo wokuva piyona webetsero kana uchikwanisa.

◼ Kutanga muna September, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichava yokuti, “Famba Munzira Yokuvimbika.”

◼ Hofisi yebazi haiiti odha dzemabhuku dzomuparidzi mumwe chete. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chipiwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano yomwedzi mumwe nomumwe isati yatumirwa kuhofisi yebazi kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota garai muchiziva kuti mabhuku api ari zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Kuverenga mabhuku nemagazini ose aripo kwepagore negore kunofanira kuitwa musi waAugust 31, 2008, kana kuti pedyo nomusi wacho sezvinobvira. Kuverenga uku kwakada kuita sokuverenga chaiko kunoitwa mwedzi nomwedzi nomutarisiri wemabhuku, uye nhamba dzemabhuku acho nemagazini ose dzinofanira kunyorwa pafomu roKuverengwa Kwemabhuku (S-18). Nhamba yemagazini ose aripo ingawanikwa kuvatarisiri vemagazini. Munyori weungano inotarisira anofanira kutarisira kuverengwa kwacho. Iye nomutariri anotungamirira weungano inotarisira vachasaina fomu racho. Ungano imwe neimwe inotarisira ichawana mafomu matatu oKuverengwa Kwemabhuku. Tapota tumirai fomu rokutanga kuhofisi yebazi musi waSeptember 6 usati wapfuura. Chengetai rimwe fomu mufaira renyu. Fomu rechitatu ringashandiswa sepepa rokushandira.

◼ Bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? rinofanira kushandiswa kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu pane kushandisa bhurocha rinonzi Anodei. Bhurocha iri ringaramba richigoverwa muushumiri hwomumunda kusvikira ose amunawo apera.

◼ Zvinokurudzirwa kuti mafomu ebasa roupiyona hwenguva dzose atumirwe kuhofisi yebazi pachine anenge mazuva 30 musi wokutanga basa usati wasvika. Munyori anofanira kuongorora mafomu acho kuti ave nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana. Kana vari kukumbira vasisayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira musi wacho vobva vachengeta musi iwoyo. Munyori anofanira kunyora musi uyu pakadhi reChinyorwa cheBasa choMuparidzi (S-21).

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe