RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/08 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJune 9
  • Vhiki Inotanga naJune 16
  • Vhiki Inotanga naJune 23
  • Vhiki Inotanga naJune 30
  • Vhiki Inotanga naJuly 7
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 6/08 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naJune 9

Rwiyo 121

10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa zviri papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzakakodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 1 uye Awake! yaJune.

20 min: Kugadzirira Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri. Hurukuro inobva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 2004, peji 1. Panopera kukurukurirana kwacho, iva nomuenzaniso womuparidzi anoedza kugadzirira zvechimbichimbi kuti anoitisa chidzidzo cheBhaibheri. Wozova nomumwe muparidzi anogadzirira achifunga mamwe emazano anopiwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Paridza Usingaregi.”a Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure zviri mumagwaro arimo.

Rwiyo 201

Vhiki Inotanga naJune 16

Rwiyo 90

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Yeuchidza vaparidzi kuuya neNharireyomurindi yaJuly 1 neAwake! yaJuly kuMusangano Webasa wevhiki inotevera uye kuti vagadzirire kuzotaura mharidzo dzakakodzera dzavanoda kuzoshandisa.

15 min: Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Akanaka. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, mapeji 158-159. Kumbira vateereri kuti vataure nyaya dziri mupfungwa dzevanhu mazuva ano mundima yenyu. Kumbira mazano okuti tingakurukura sei nyaya dzakadaro mumharidzo dzedu.

20 min: “Mhuri Yenyu Iri Kugadzirira Kupukunyuka Here?”b Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure zviri mumagwaro arimo.

Rwiyo 54

Vhiki Inotanga naJune 23

Rwiyo 140

10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba yokutenda mari yakatumirwa. Taura mabhuku achagoverwa muna July, uye ita kuti mharidzo imwe chete ienzanisirwe.

20 min: Kuita Kuti Upenyu Huve Nechinangwa Nokuva Piyona Wenguva Dzose. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaJanuary 15, 2008, mapeji 17-19. Mapiyona maviri, mutsva neave nemakore ari piyona vangabvunzurudzwa kana muinavo. Ita kuti varondedzere kuti upenyu hwavo hwakava sei nechinangwa pamusana pebasa iri rinokosha.

15 min: Gadzirira Kugovera Magazini Epanguva Iyoyo. Kukurukurirana nevateereri. Wataura muchidimbu zvakaita Nharireyomurindi yaJuly 1 neAwake! yaJuly, bvunza vateereri kuti inyaya dzipi dzingafarirwa nevanhu vari mundima yenyu uye kuti nei. Kumbira vateereri kuti vataure pfungwa dzakananga dziri munyaya dzavanoda kutaura nezvadzo. Mubvunzo upi ungabvunzwa kuti mutange kukurukurirana? Rugwaro rupi ruri munyaya yacho rungazoverengwa? Uchishandisa mharidzo dzokuenzanisira dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo kana kuti imwewo mharidzo inotaurwa nevateereri, enzanisira kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.

Rwiyo 82

Vhiki Inotanga naJune 30

Rwiyo 97

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza ungano yose kuti isiye mishumo yebasa romumunda yaJune.

20 min: Kuvandudza Kwatingaita Unyanzvi Hwedu Hwekukurukurirana. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, kubva papeji 62, ndima 4 kusvika panoperera peji 64. Ita kuti mashoko acho apindirane nezvinodiwa mundima yenyu. Kwenguva pfupi, bvunzurudza muparidzi anozivikanwa kuti ane unyanzvi hwokutanga kukurukurirana nevanhu paanenge achiparidza pasuo nesuo kana kuti zvisina kurongwa.

15 min: “Zvivako Zvokunamatira Zvinoita Kuti Jehovha Arumbidzwe!”c Hurukuro inobva muwedzero inopiwa nomukuru, ndima 1-7.

Rwiyo 179

Vhiki Inotanga naJuly 7

Rwiyo 125

5 min: Zviziviso zveungano.

20 min: “Zvivako Zvokunamatira Zvinoita Kuti Jehovha Arumbidzwe!”d Hurukuro inobva muwedzero inopiwa nomukuru, ndima 8-15.

20 min: “Kana Saimba Achitaura Mumwe Mutauro.”e Inofanira kukurukurwa nemutariri webasa. Pakukurukura ndima 2, udza ungano nezvemapoka kana ungano dzemimwe mitauro dzinoparidzawo mundima yenyu. Taura chero urongwa hupi zvahwo huripo hwokuti mapoka kana ungano dzacho dzishandire pamwe pakuparidza.

Rwiyo 188

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe