Mhuri Yenyu Iri Kugadzirira Kupukunyuka Here?
1 Uprofita hweBhaibheri hwakazadzika hunopa uchapupu hunonyatsoratidza kuti nyika ino yakaipa yava kunoguma. Iye zvino tava kurarama munguva yakaoma yakanyatsofanana neiya Mafashamo asati aitika. (Mat. 24:37-39) Noa akapukunyuka pakaparadzwa nyika iyoyo yekare nokuti “akafamba naMwari wechokwadi.” (Gen. 6:9) Noa anofanira kunge aidzidzisa mhuri yake zvinodiwa naJehovha nokuti naiyowo yakapukunyuka. Tingatevedzera sei Noa togadzirira semhuri kupukunyuka mamiriro ezvinhu epanguva ino akaipa?
2 Muparidzi Wokururama: Noa akatsungirira kwemakore anenge 40 kusvika ku50 so“muparidzi wokururama.” (2 Pet. 2:5) Vavakidzani vake, zvichida vachifurirwa nengirozi dzakapanduka dzakanga dzava nemiviri yevanhu, vangadaro vaimuseka paaiparidza. Vanhu havawanzoteereri uye vanoseka ushumiri hwedu, zvichiratidza kuti mamiriro ezvinhu epanguva ino ava kuzoguma. (2 Pet. 3:3, 4) Zvisinei, vanhu vanhasi vakasiyana nevomuzuva raNoa, vakawanda vavo vari kuteerera uye vari ‘kuuya’ kuzonamata Jehovha. (Isa. 2:2) Tichazviponesa ‘isu nevaya vanotiteerera’ kana bedzi tikatsungirira. (1 Tim. 4:16) Saka zvinokosha kuti vabereki vadzidzise vana vavo nezvavanotaura uye nezvavanoita kuti basa rokuparidza nderokukurumidzira zvikuru!—2 Tim. 4:2.
3 Akaita “Izvozvo Chaizvo”: Kuti Noa nemhuri yake vapukunyuke, vaifanira kunyatsotevedzera zvainge zvarayirwa naJehovha. (Gen. 6:22) Zvinokoshawo mazuva ano kuti ‘tide kuteerera’ zvatinorayirwa neBhaibheri uye nomuranda akatendeka. (Jak. 3:17) Vana vakura veimwe mhuri vanoyeuka kuti baba vavo vaitevedzera zvaitaurwa nesangano raJehovha. Somuenzaniso, vaidzidza nemhuri vhiki yoga yoga uye vaienda nayo muushumiri pakupera kwevhiki kwose sezvinokurudzirwa. Vhiki imwe neimwe vaiedza chaizvo kuti vave nomumwe mwana wokuenda naye muushumiri. Kushingirira kwavo vachiita “izvozvo chaizvo” kwakabatsira chaizvo vana vavo, uye vose vari vatanhatu vakakura ndokuva vashumiri vaJehovha vakatendeka.
4 Kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino kuchauya tisingafungiri. (Ruka 12:40) Kana tikatevedzera Noa tova nokutenda kunoita kuti tipone, zvechokwadi isu nemhuri dzedu tinenge takagadzirira!—VaH. 11:7.