Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naApril 14
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaApril 1 uye Awake! yaApril.
15 min: “Ratidzai Kuti Munoonga.”a Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro arimo.
20 min: “Nyaradza Vari Kuchema.”b Kumbira vateereri kuti varondedzere zvakaitika zvinoratidza kuti zvinokosha kunyaradza munhu akafirwa nomunhu waanoda.
Vhiki Inotanga naApril 21
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba yokutenda mari yakatumirwa. Yeuchidza vateereri kuti vauye neNharireyomurindi yaMay 1 uye Awake! yaMay kuMusangano Webasa wevhiki inouya uye kuti vagadzirire kukurukurirana mharidzo dzakakodzera ndima yenyu.
10 min: Zvinodiwa muungano.
25 min: “Nguva Yokudya Mune Zvokunamata Uye Yokufara.”c Inofanira kupiwa nomunyori weungano. Taura kuti ungano yenyu ichapinda gungano ripi. Kurukura bhokisi rakanzi “Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa.”
Vhiki Inotanga naApril 28
15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaApril. Uchishandisa Nharireyomurindi yaMay 1 uye Awake! yaMay, kurukura muchidimbu zviri mumagazini imwe neimwe wobvunza vateereri kuti inyaya dzipi dzingafarirwa zvikuru nevanhu vari mundima uye nei. Kumbira vateereri kuti vataure mharidzo dzavanoda kuzoshandisa, vachishandisa nyaya dzavakaronga. Mubvunzo upi ungabvunzwa kutanga kukurukurirana? Rugwaro rupi ruri munyaya yacho rungabva rwaverengwa? Rugwaro rwacho rungashandiswa sei kutsigira mhinduro yacho? Uchishandisa mharidzo yataurwa nevateereri kana kuti mharidzo dzomuenzaniso dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo, enzanisira kugoverwa kungaitwa magazini imwe neimwe.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Kukurukurirana nevateereri.
20 min: “Nyatsotevera Tsoka Dzake.”d Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro arimo.
Vhiki Inotanga naMay 5
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Jehovha Haambokusiyi. Hurukuro inokurudzira inobva muNharireyomurindi yaOctober 15, 2005, mapeji 8-11.
20 min: “Iva Mushumiri Anofambira Mberi.”e Pakukurukura ndima 3, taura zviri mubhuku reChikoro Choushumiri, mapeji 6-8, pasi pomusoro muduku unoti “Kubatsirwa Zvakazara.”
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.