Iva Mushumiri Anofambira Mberi
1 Baba vedu vokudenga vanofara vashumiri vavo pavanofambira mberi pakunamata. Izvi zvinosanganisira kufambira mberi kusvika pakuva mushumiri wemashoko akanaka ane ruzivo uye anobudirira. Pauro akakurudzira mutariri Timoti kuti arambe achishingaira kuitira kuti kufambira mberi kwake kuonekwe. (1 Tim. 4:13-15) Tose tinofanira kuedza kunatsiridza ushumiri hwedu kunyange vamwe vedu tiri vaparidzi vagara nebasa.
2 Iva Nezvinangwa: Kufambira mberi kunoda kuti munhu ave nezvinangwa. Zvinangwa zvipi zvatingava nazvo? Tingaedza kuti tive nyanzvi pakushandisa bakatwa redu romudzimu, Bhaibheri. (VaEf. 6:17) Zvichida pane nzira yokuparidzira nayo yatingada kunatsiridza, yakadai sokuparidzira mumugwagwa, kuparidzira norunhare, kana kuti kushanda mundima yebhizimisi. Zvichida tinogona kushandira kuti tive nevanhu vakawanda vatinodzokera kunoona vanofambira mberi. Chimwe chinangwa chakanaka chingava chokunatsiridza unyanzvi hwedu hwokutanga uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri.
3 Zvatinopiwa: Misangano yeungano, zvikurukuru Chikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa zvakagadzirirwa kutibatsira kuti tifambire mberi sevashumiri. Patinowedzera kushanda nesimba pakugadzirira nokupinda misangano iyi uye kushandisa mazano atinopiwa, tinobatsirwa zvikuru.—2 VaK. 9:6.
4 Tinofanirawo kubatsirana kuti tifambire mberi. (Zvir. 27:17) Kunyatsoteerera mharidzo dzevaya vatinenge tichishanda navo muushumiri kuchatibatsira pakunatsiridza mharidzo dzedu. Uyezve, mutariri wedu wechidzidzo chebhuku angaronga kuti tibatsirwe. Zvechokwadi chikomborero kuva napiyona kana mumwe muparidzi agara nebasa kuti atibatsire kuti tibudirire uye tiwane mufaro mukuru muushumiri! Muboka redu rechidzidzo chebhuku mune muparidzi mutsva here? Zvichida tingamukumbira kuti ashande nesu.
5 Nhasi ushumiri hwechiKristu ndiro basa rinonyanya kukosha. Patinopa Jehovha ‘chibayiro chedu chokurumbidza,’ tinoda kumupa zvakanakisisa zvedu. (VaH. 13:15) Kana tikaedza kufambira mberi muushumiri tichava vashandi ‘vasina chokunyara nacho, vanobata shoko rechokwadi zvakarurama.’—2 Tim. 2:15.