Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naFebruary 25, 2008. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJanuary 7 kusvika kune yaFebruary 25, 2008. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Chii chatinofanira kuita kuti tibatsire vateereri kuti vabate pfungwa yorugwaro, uye nei tichifanira kuzviita? [be-CA p. 228 ndima 2-3]
2. Nei zvichikosha kuti zvatinotaura zviite kuti vateereri vedu vadzidze, uye izvi tingazviita sei? [be-CA p. 230 ndima 3-5, bhokisi]
3. Kutsvakurudza kungaita sei kuti hurukuro dzedu dziwedzere kudzidzisa? [be-CA p. 231 ndima 1-3]
4. Tingaita sei kuti patinoshandisa magwaro anonyanya kuzivikanwa tive nezvakawanda zvatinodzidzisa? [be-CA p. 231 ndima 4-5]
5. Nei zvichikosha kutsanangura magwaro atinoverenga? [be-CA p. 232 ndima 3-4]
HURUKURO NHA. 1
6. Chii chinoratidza kuti bhuku raMateu rakanyanya kunyorerwa vaJudha? [si-CA p. 176 ndima 6-7]
7. Tingagadzirira sei mwoyo yedu kuti igamuchire mirayiridzo yaMwari inokurukurwa pachikuva? (2 Mak. 20:33) [be-CA p. 13 ndima 4–p. 14 ndima 4]
8. Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo kuti ‘vave vakachenjera kuti vawane ruponeso’? (2 Tim. 3:15) [be-CA p. 16 ndima 3-4]
9. Evhangeri yaMateu inoratidza sei kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri? [si-CA p. 181 ndima 32]
10. Evhangeri yaMateu zvainotaura Jesu saMesiya akapikirwa uye Mambo, ko Evhangeri yaMako inomutsanangura sei? [si-CA p. 182 ndima 7-8]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI
NEVHIKI
11. Kuratidza hasha kwakanyanya kuipa here kupfuura kuchengeta mafi? (Mat. 5:21, 22) [w08-CA 1/15 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raMateu”]
12. VaKristu vanochengeta sei ‘ziso rakanaka’? (Mat. 6:22, 23) [Jan. 7, w06-CA 10/1 p. 29]
13. Jesu airevei paakabvunza vadzidzi vake kuti: “Manzwisisa zvinhu zvose izvi here?” (Mat. 13:51, 52) [w08-CA 1/15 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raMateu”]
14. Nei kazhinji Jesu airayira vaaiporesa kuti “vasaita kuti azivikanwe”? (Mat. 12:16) [w87 5/15 p. 9; cl-CA map. 93-4]
15. Jesu airevei nezve“chiyero” munhu ‘chaanoyera nacho’? (Mako 4:24, 25) [w80 6/15 p. 12; gt-CA chits. 43]