RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/08 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 2/08 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna February: Is There a Creator Who Cares About You? kana kuti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza nepaunogona napo kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu. April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Tinofanira kuedza kushanyira vanhu vatsva vanofarira vanenge vauya kuChirangaridzo uye kuhurukuro inokosha asi vanenge vasingapindi misangano yeungano. Chinangwa chokuvashanyira chinofanira kunge chiri chokudzidza Bhaibheri nevaya vanenge vasati vava kudzidza.

◼ Sezvo mwedzi waMarch uine kupera kwevhiki kushanu, uchava mwedzi wakanakisisa kuita upiyona hwebetsero.

◼ Munyori nomutariri webasa vanofanira kuongorora basa remapiyona ose enguva dzose. Kana paine vari kuomerwa nokusvitsa maawa anodiwa, vakuru vanofanira kuronga kuti vabatsirwe.

◼ Hurukuro chaiyo yomwaka weChirangaridzo cha2008 ichava nomusoro unoti “Ndiani Anonyatsokwanisa Kutonga Vanhu?” Ona chiziviso chakafanana muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2007.

◼ Zuva chairo remagazini muZimbabwe: Iri rarongwa musi woMugovera, March 29, 2008. Inenge iri vhiki imwe Chirangaridzo chaitwa uye kwasara vhiki imwe kuti hurukuro chaiyo ipiwe. Tose tinokurudzirwa kunyatsotsigira urongwa uhwu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe