RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/07 p. 1
  • Tinoudza Vamwe Tariro Yedu yoUmambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinoudza Vamwe Tariro Yedu yoUmambo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Ita Kuti Tariro Yako Irambe Yakasimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Tarisira Kuna Jehovha, uye Shinga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ndokupi Kwaungawana Tariro Yechokwadi?
    Mukai!—2004
  • Tariro Yako Yeramangwana Ichazadzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 11/07 p. 1

Tinoudza Vamwe Tariro Yedu yoUmambo

1 Mumazuva ano okupedzisira akaoma, vakawanda vari munyika havana tariro. (VaEf. 2:12) Vamwe nokusachenjera vakavimba nepfuma, nevatongi, nesayenzi, nezvimwewo. Chokwadi tinofara kuti tine tariro yeramangwana ‘inotsigisa mweya, yechokwadi uye yakasimba’!—VaH. 6:19.

2 Pasi rose richava paradhiso kana Umambo hwaMwari hwava kutonga. Hama dzedu dzakafa dzichamutswa. (Mab. 24:15) Urombo, kusaruramisira, zvirwere, kuchembera uye rufu zvichange zvisisipo. (Pis. 9:18; Mat. 12:20, 21; Zvak. 21:3, 4) Izvi ndezvimwe zvezvipikirwa zvaJehovha zvaachazadzisa munguva pfupi. Pazvinhu izvi ndechipi chaunonyanya kutarisira?

3 Zivisa Mashoko Akanaka: Tinofanira kuudzawo vamwe nezvetariro yoUmambo. Kuda Mwari uye vavakidzani vedu kunoita kuti titevedzere Jesu uye ‘tizivise mashoko akanaka kuvarombo, tiparidze kusunungurwa kunhapwa uye tiparidze kuti mapofu aone, tiite kuti vakadzvinyirirwa vaende vakasununguka.’ (Ruka 4:18) Muapostora Pauro akaparidza mashoko akanaka mumisika uye kwose kwaaiwana vanhu. Akabatikana kwazvo noushumiri. (Mab. 18:5) Kutevedzera muenzaniso wake wokushingaira muushumiri kuchaita kuti tariro yedu yechiKristu isadzimwa no“kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma.”—Mako 4:19.

4 Tariro yedu yoUmambo haifaniri kupedzwa nevanhu vatinosangana navo vasingakendengi, vasingafariri shoko roUmambo, kana kuti vanotishora zviri pachena. ‘Tinobatisisa mukana wokuzivisa tariro yedu pachena tisingazununguki.’ (VaH. 10:23) Hati“nyari nemashoko akanaka.” (VaR. 1:16) Chivimbo chatinoratidza uye kutsungirira kwatinoita zvingaita kuti vamwe vagume vateerera.

5 Kunyange zvazvo zvakakodzera kuti titaure nezvemamiriro ezvinhu ari kuramba achiipa munyika anozadzika uprofita hweBhaibheri, hatisi vaparidzi vezvinhu zvakaipa. Asi ushumiri hwedu hunotaura nezvetariro yedu yoUmambo, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Ngatiparidzei aya mashoko akanaka nechivimbo uye tichishingaira ‘kuti tive nechivimbo chizere chetariro kusvikira kumugumo.’—VaH. 6:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe