RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/07 p. 1
  • Fambai Sezvinoita Vanhu Vakachenjera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Fambai Sezvinoita Vanhu Vakachenjera
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Minda Yachenera Kukohwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Shanda Nesimba Mukukohwa Kukuru Kuri Kuitwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Tinofara Kushanda Nesimba Mubasa raJehovha!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Kuzivisa Zvokwadi Zuva Nezuva Mukutevedzera Jesu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 11/07 p. 1

Fambai Sezvinoita Vanhu Vakachenjera

1 Jesu paakakumbira vabati vehove vana kuti vave vateveri vake, havana kumboverengera, asi ‘vakabva vangomutevera.’ (Mat. 4:18-22) Sauro wokuTaso paakatendeuka ndokubva atangazve kuona, haanawo kuverengera asi “akabva atanga kuparidza Jesu mumasinagogi.” (Mab. 9:20) Nguva inoramba ichifamba; kana yaenda, yatoenda zvachose. Ndokusaka zvichikosha kuti ‘tifambe sezvinoita vanhu vakachenjera’ pakushandisa kwatinoita nguva yedu.—VaEf. 5:15, 16.

2 Zviitiko Zvisingafanoonekwi: Mikana yatiinayo nhasi yokushumira Jehovha ingangova isisipo mangwana. (Jak. 4:14) Hapana asingawirwi “nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Mup. 9:11) Uyezve, tose tiri kukura, uye hatina manzvengero atingaita “mazuva okutambudzika” anokonzerwa nokukwegura uye anoita kuti tisakwanisa kuita zvakawanda mubasa raJehovha mumamiriro ezvinhu epanguva ino. (Mup. 12:1) Naizvozvo hakusi kuchenjera kuverengera kuzvitsaurira kuna Mwari kana kumirira kuti mamiriro ezvinhu atange anaka tisati tawedzera ushumiri hwedu nepatinogona napo. (Ruka 9:59-62) Abrahamu akava norugare paakanga akura, akafa “akwegura uye agutsikana” nokuti akanga ararama upenyu hwake nokuchenjera, sezvo akanga akazvitsaurira kuna Jehovha zvakakwana.—Gen. 25:8.

3 Nguva Ipfupi: Tinoda kushandisa nguva yedu nokuchenjera nokuti “nguva yasara ipfupi.” (1 VaK. 7:29-31) Munguva pfupi mamiriro ezvinhu epanguva ino achaguma. Mikana yokuunganidza vanhu vakaita semakwai munguva yokuunganidza “zvinokohwewa zvepanyika” ichapera. (Zvak. 14:15) Tinofanira kungwarira kuti tisarega kuzvidya mwoyo kwoupenyu nezvimwe zvingativhiringidza zvichititorera nguva yatingadai tashandisa zviri nani muushumiri. (Ruka 21:34, 35) Tichagutsikana zvikuru patichafunga zvatakaita toona kuti takaita zvose zvataigona mukukohwa!

4 Tinofanira kugara takagadzirira kuita mabasa ane chokuita nokunamata angangovapo. Ngatitsungei kushumira Jehovha “chero bedzi zvinganzi ‘Nhasi.’” (VaH. 3:13) Kana tikadaro ticharatidza kuti takachenjera zvechokwadi, nokuti “anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Joh. 2:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe